Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muSouth Africa Zvinoti Zvine Chivimbo Chekuti Hurumende Itsva Ichazvirerutsira

Nhengo dzedare remakurukota muSouth Africa dzatora mhiko nhasi mudare reparamende kuCape Town pamberi pemutongi mukuru wematare Justice Raymond Zondo.

Mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa vakamanikidzwa kuumba hurumende yemubatanidzwa sezvo bato ravo reANC rakakundikana kuwana mavhoti anodarika zvikamu zvishanu kubva muzana kuti riumbe hurumende yemubatanidzwa riri roga.

Kubazi rezvemukati menyika, VaLeon Schreiber veDemocratic Alliance ndivo vave gurukota vachitisiva VaAaron Motsoaledi veANC avo vainge vari mumatare kwenguva yakareba vachida kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvine magwaro eZimbabwe Exemption Permits zvidzoserwe kumusha vachishandisa matare.

Asi zvizvarwa zveZimbabwe zvinofunga kuti zvinogona kunge zvapona nepasaka reshumba sezvo bato reDA richiramba kuti vane magwaro aya vadzoserwe kumusha. Sachigaro we sangano reAfrican Diaspora Forum, Doctor Vusumuzi Sibanda vaudza Studio 7 kuti vari kufara nezviri kuitika asi vakati vanotenda maruva vadya chakata.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina VaVusimusi Sibanda