Chizvarwa cheZimbabwe, Doctor Kudakwashe Tuwe, Vanoparura Bhuku reNhoroondo yeHupenyu Hwavo

  • Jonga Kandemiiri

Bhuku rakanyorwa naDoctor Kudakwashe Tuwe.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro naDoctor Kudakwashe Tuwe vari ku Aoteroa kuNew Zealand pamusoro pebhuku ravakanyora riri pamusoro pehupenyu hwavo munyika mbiri dzinoti Zimbabwe neNew Zealand.

Doctor Tuwe vachangobva kutsikisa bhuku ravo rekutanga rinonzi “An African Boy in Aoteroa-New Zealand” iro vanoti riri kutambirwa zvakanaka chose nevana veZimbabwe pamwe nevamwe vekuAfrica.

Vanoti machengeterwo nemarererwo avakaitwa naamai vavo, Mbuya Tuwe kana kuti Gogo Tuwe kana kuti Mai Peter, kwakavadzidzisa kuti kana munhu ukabatsira nherera kana chirikadzi unenge wadenha Mwari kuti akuropafadze.

"Saka I just felt kuti regai ndinyore upenyu hwangu nekuti upenyu hwangu ndakakura ndichishupika zvikuru kwazvo. Dai pasina Mai vaiita maricho kuti tikwanise kuenda kuchikoro, tiwane chekudya nechekupfeka, haaa, zvaitiomera. kana kufunda ndingadai ndisina kumboenda kuchikoro inini nema sibling angu," Doctor Tuwe vanotsanangura.

Doctor Kudakwashe Tuwe

Pamusoro pekuve munyori, vanoti ivo nemudzimai wavo nevana vanobatsirawo vanoshaya kumusha kwavanobva, zvikuru kuSanyati kwavave kugara mushure mekutama vachibva kuMhondoro muna 1993.

Doctor Tuwe vanotungamirawo mumabasa ekuunganidza mabhuku emuzvikoro kuburikidza nesangano reZimbabwe Rural Library Schools Trust, iro vari mutwedzeri wasachigaro.

Vanoda kutenga bhuku iri vanonzi vanokwanisa kuriwana padandemutande reAmazon rinoti https://www.amazon.co.uk/African-Village-Boy-Aotearoa-New-Zealand/dp/0473709260/

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Kudakwashe Tuwe