Panyaya yaLt.Gen Sanyatwe, Mauto Anoti Haataure zvepaDandemutande Asi veCrisis in Zimbabwe Vanoti Ngavamedze Mazwi Avo

Mutauriri wemauto eZimbabwe National Army Colonel Alphios Makotore vanoti sebazi remauto havataure nezvinhu zvinenge zvichitenderere pamadandemutande akaita seWhatsApp neFacebook.

Conel Makotere vaudza Studio 7 mashoko aya mushre mekunge vanhu vakawanda vakatyamadazwa nekushora zvikuru zvakataurwa pavhidhiyo iri kutenderera pamadandemutande inonzi inobuda mukuru wemauto eZNA Lieutenant General Anselem Nhamo Sanyatwe vari pamusangano webato reZanu-PF kuNyanga North vachiti Zanu-PF haifi yakabviswa pachigaro.

VaSanyatwe vanobuda pavhidhiyo iyi vachiti, “Tiri kunzwanana..saka Zanu-(PF) ichatonga kusvika madhongi amera nyanga.. muchida musingade.” Vanoenderera mberi vachiti, “Apa ndiri kutaura sa Commander Army tichishandisa inonzi command voting. Ehe…Ehe..tiri kunzwanana….Pamberi neZanu- (PF). Pamberi neZanu (PF), pamberi na ED Mnangagwa. Pasi nemhandu…Saka PC mukuru wemauto ndini..Pamberi neZanu (PF.. pasi nemhandu.”

Saangano reCrisis in Zimbabwe Coalition ranyora tsamba richiti VaSanyatwe vamedze mashoko avo rinoto anotyora bumbiro remitemo risingabvumidze kuti mauto apindire munyaya dzezvematongerwo enyika. Zvikamu zvinoti 207 ne 208 zvebumbiro remitemo hazvibvumidze mauto kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika sezvo basa ravo riri rekudzivirira munhu wose munyika.

Hatina kukwanisa kubata VaSanyatwe mbune kuti tinzwe divi ravo. Asi VaSanyatwe muna Kurume 2020, vakambotemerwa zvirango nehurumende yeAmerica vachipomerwa mhosya yekutyora kodzero dzevanhu.