America Yopemberera Zuva reKuzvitonga Kuzere Kubva kuBritain

YE Top Photos North America 2023

America nhasi iri kupemberera makore mazana maviri nemakumi mana nemanomwe kana kuti 247 kubva zvayawana kuzvitonga kuzere muna 1776 kubva kuBritain. Mutungamiri wenyika VaJoe Biden nemudzimai wavo Amai Jill Biden vari kutarisirwa kuita mabiko nemhuri dzemauto pamuzinda wavo weWhite House muWashington DC.

Kunze kwemabiko aya, vanhu vari kuungana munzvimbo dzakasiyana siyana manheru ano vachipemberera zuva iri.

Vanhu vanodarika mamiriyoni matatu vanonzi vari nkushanyira matunhu akasiyana siyna panguva ino.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachidzidzisa pachikoro chepamusoro cheCalifornia State University, Muzvinafundo Angela Zivo Gapa vaudza Studio 7 kuti iri izuva rakakosha zvikuru munhoroondo yeAmerica nekuti rinoratidza kusungunuka kwenyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Angela Zivo Gapa