VaMnangagwa Vanoti Vari Kusiya Chigaro Muna 2028, Vanopikisa Vachiti Ngavatoenda Kana Ikozvino

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vazivisa nhasi kuti muna 2028 vachaenda pamudyandigere sezviri mubumbiro remitemo. VaMnangagwa vataura mashoko aya paMutare Teachers College apo vange vachivhura zviri pamutemo kambani inogadzira zvinwiwa kubva mumawuyu.

Vati, “President wedu anofanira kugara matemu maviri e5 years, 5 years."

Vaenderera mberi vachiti, " Ini ndakaita 5 years dzekutanga dzikapera. Tikaenda kuCongress mukandidzorera. So ndakuita my last 5 years. Dzichapera manje manje. Ndinenge ndakunozorora. Toenda kucongress totsvaga umwe anotungamira achitevedzera tsoka dzangu dzaMunhumutapa. Mazvihwa. Mazuva angu ekuzorora ave pedo.”

Vachitaura nezvemashoko aVaMnangagwa aya, mutauriri wechimwe chikwata chebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaPromise Mkwananzi vati nyika yatononokerwa nekusiya basa kwaVaMnangagwa. Vapomera VaMnangagwa mhosva yekubirira sarudzo dzadarika.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vakarerekera kudivi raZanu-PF Doctor Masimba Mavaza vati zvange zvakatarisirwa kuti VaMnangagwa vataure mashoko aya vachiti mutunhu anotevedzera bumbiro remitemo renyika.

Asi mupepeti mukuru webepanhu reThe NewsHawks VaMuleya vati VaMnangagwa havasi kunyatsobuda pachena nekuti nedzimwe nguva vanopesvedzera vanenge vachiti vatonge kusvika madhongi amera nyanga. Vanhu ava vanenge vachiti, “2030, VaMnangagwa vanenge vachipo.”

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Muzvinafundo Ricky Mukonza vaudza Studio 7 kuti zvataurwa naVaMnangagwa zvakanaka chose nekuti vanozouya mumashure mavo vanogona kuomerwa nenyaya yekuda kurambira pachigaro. Asi vati havo vanotenda maruva vadya chakata.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Blessing Zulu