VaBiden Votenda Kuti Havana Kukwanisa Kuita Zvaitarisirwa paGakava naVaTrump

VaDonald Trump naVaJoe Biden

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vari kubvuma kuti havana kunyatsoita zvaitarisirwa mugakava kana kuti debate ravakaita nevavari kukwikwidzana navo musarudzo yemutungamiri wenyika muna Mbudzi VaDonald Trump.

Mutori wenhau Scott Sterns weVOA anotipa nyaya inotevera achitarisa mamiriro akaita zvinhu pahurongwa hwaVaBiden hwekutsvaga rutsigiro panguva iyo America iri kupemberera zuva rekuwana kuzvitonga kuzere.

Kazhinji musi wa 4 Chikunguru gore roga roga vanenge vachikwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika vanotora mukana wezuva rekuwana kuzvitonga kuzere votsvaga rutsigiro vakatakura mireza yeAmerica.

Asi izvi hazvina kuitwa gore rino naVaBiden naVaTrump sezvo pasina akaita hurongwa hwekutsvaga rutsigiro zvichitevera gakava rekutanga ravakaita svondo rapera. VaBiden panguva ino vari kuyedza kusimbaradza vatsigiri vavo kuti vanokwanisa kutungamira kwemamwe makore mana asi VaTrump vari kuramba vakamira nerekuti VaBiden havakwanise kuita izvi nekukwegura kwavaita.

Vachitaura nenhepfenyuro yeWinsconsin Radio inonzi WAUK, VaBiden vatenda kuti havana kuita zvaitarisirwa pagakava nemusi weChina svondo rapera.

VaBiden vati, Hwakange huri husiku hwakaipa kwandiri.” Vaenderera mberi vachiti, “Chokwadi ndechekuti ndakakundikana. Asi ndakadzidza kubva kuna baba vangu kuti ukadonhedzwa, unofanira kusimuka orwa zvakare.”

Vari kutsigira VaBiden vari kuyedza kuvabatsira vachishanda nemagavhuna akaita saAmai Kathy Hochul vekuNew York. Amai Hochul vanoti, Ndiri pano nhasi kuti ndikuudzei kuti mutungamiri wenyika VaJoe Biden vari musarudzo iyi kuti vakunde. Uye tose takazvipira kuvatsigira nekuti sarudzo iyi haisi yekutamba nayo.”

Asi mudare reparamende reCongress, vari kutsigira VaTrump vari kuramba vakamira nerekuti VaBiden vakwegura.

Mutauriri wedare iri VaMike Johnson vanoti, “Ndinofunga kuti vanozviziva kuti dambudziko ravo harisi rezvematongerwo enyika chete.” Vanotiwo, “Tine dambudziko guru pano nekuti mutungamiri wenyika haasi kugona basa zvachose apo tiri munguva yakaoma.”

Kubva zvaitwa gakava, tsvakiridzo yakaitwa nenhepfenyuro yeCNN inoratidza kuti vanhu zvikamu makumi mashanu nematanhatu kubva muzana vebato remaDemocrats nevamwe vanowanzorivhotera vari kuti vane mukana mukuru wekukunda kana mumwe munhu asiri VaBiden akakwikwidzana naVaTrump.

Muzvinafundo Jeremi Suri vepaUniversity of Texas history vanoti vose vanenge vachitsvaga rutsigiro vanosangana nematambudziko asi nyaya yehutano hwaVaBiden icharamba ichitaurwa nezvayo. VaSuri vati, “Anogona kukunda musarudzo idzi.”

Vatizve, “Chokwadi chaicho ndechekuti akaramba achikwikwidza anokwanisa kukunda, asi zvipangamazana zvake zvange zvichifunga kuti gakava raizobatsira kuti vanhu vasataure nezvehutano nezera ravo. Asi nezvakaitika vakawanda vave kutotaura nezvehutano hwavo. Akaenderera mberi nekutsvaga rutsigiro, nyaya iyi icharamba ichitaurwa nezvayo.”

VaTrump vakapemberera zuva rekuwana kuzvitonga kuzere vachiisa vhidhiyo padandemutande ravo reTruth Social vachiti America ine nhoroondo inokunda dzimwe nyika dzose dzepasi rino.

VaTrump vakati, “Hatife takakangwanwa kuti tiri zvizvarwa zveAmerica uye remangwana nderedu.” Vakaenderera mberi vachiti, “Mweya werusungunuko rweAmerica harufe rwakakanganikwa, haufe hwakatadza kubudirira asi hucharamba hwuchitonga nekusingapere. Kuzvizvarwa zvose zveAmerica ndinoti ivai nezuva rakanaka tichipemberera zuva rekuwana kuzvitonga kuzere.”

Apo bato ravo rema Republicans rogadzirira kuita musangano mukuru wekuvadoma zviri pamutemo kuti vamiririre bato iri musarudzo yemutungamiri wenyika, Muzvinafundo Suri vanoti VaTrump vanofanira kuratidza kuva munhu anokwanisa kushanda nemapato ose.

Muzvinafundo Suri vati, “Zvinoda kuitwa naVaTrump parizvino kuti vaite semunhu anonzwisisa.” Vatizve, “Kuti sarudzo iyi isaite seyemunhu anonyepa neakwegura. Asi kuti iite seyemunhu akwegura neanonzwisisa.”

Kubva pazuva rekuwana kuzvitonga nezuro kusvika muna Mbudzi pachaitwa sarudzo, VaBiden naVaTrump vave nemazuva zana nemakumi maviri nemana ekuyedza kukurudzira vanhu kuti vavavhotere.

Nyaya yatumirwa naScott Stearns weVOA

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya yatumirwa naScott Stearns