Vamwe Vanoti Zvekuti "2030 ED Anenge Achiripo" Zvave Kufanira Kuregwa

VaConstantino Chiwenga naVaEmmerson Mnangagwa

Veruzhinhi vari kutambira mashoko emutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa ekuti vari kuda kuenda pamudyandigere muna 2028 zvakasiyana.

Mutungamiriri webato reMDC VaDouglas Mwonzora vaudza Studio 7 kuti zvakaitwa naVaMnangagwa hazvizi zvitsva sezvo kungori kutevedzera bumbiro remitemo renyika. VaMwonzora vati, “Sebato reMDC tinoona zviri zvinhu zvatagara tichitaura kuti bumbiro remutemo ngaritevedzerwe, VaMnangagwa vakasiirwa naVaMugabe (Robert) vakasevha two terms dzavo idzo dzopera saka mashoko avo tinomagamuchira kwazvo, hatidi kunzwa vaye vaiti VaMnangagwa kusvika 2030 vachitaura zvakare.”

Vamwe vevanoti VaMnangagwa vaita zvinhu kwazvo ndiVaPatrick Sagandira vebato nhengo yebato rinopikisa reCirizens Coalition for change inomirira Makoni Central mudare reparamende vati, “Kana vachinge vabudirira kuti vatevedzera zvavataura isu separamende tinozvigamuchira chose.”

Vachitaura pamberi pemhomho yevanhu kusanganisira ruzhinji rwevatsigiri veZanu PF paMutare Teachers College, VaMnangagwa vakati vachatevedzera zviri mubumbiro remitemo rebato ravo zvekuti munhu anosungirwa kubata chigaro kwemakore gumi chete kana asarudzwa.

VaMnangagwa vakati, “Constution yedu yeZanu PF inoti after every five years, tinoenda kuCongress, taenda kungress ikoko tosarudza President wedu, President iyeye anogara materm maviiri emaFive years Five years.”

Vakatiwo, “Ini ndakaita Five years dzekutanga tikaenda kuCongress mukandidzorera, saka ndakuita my last Five years dziri kupera manje manje, saka ndinenge ndakuenda kunozorora, toenda kuCongress motsvaka mumwe anotungamirira, achitedzera tsika dzangu, mazvihwa! Mazuva angu ekuzorora ave pedo. Ndichaenda kunozorora tichaenda kuCongress potsvangwa achatevedza tsoka dzangu dzaMunhumutapa.”

Vachitaurawo pachiitiko ichi, gurukota rinoona nezvekudzivirirwa kwenyika uye vari sachigaro weZanu PF, Amai Oppah Zvipange Muchinguri-Kashiri, vakashoropodza vamwe vemubato ravo vavakati vari kushandisa mari kuda kuwana zvigaro. Vakati, “Tarisai mhandu pakati pedu hatofanirwi ku-infiltretwa kana ku-divhaidhwa, musangano wedu ngaurambe wakabatana endawo pacell, endawo pabranch, endawo padistrict uri kumhanya kwendepi, uri kumhanya kwendepi?”

Vakatiwo, “Next time wakuda kuita President, wakuda kubvisa President, tiri kukuonai hokoyoi. Mari ichapera manje manje wamwe vari kuba chikafu chaPresident wamwe wari kuba mbeu yaPresident wachiti ndezvawo pawanopa vanhu. President chenjerai. Vamwe vari kuba mbeu iyi vachida kusvibisa zita raPresident wedu musadaro ndapota, tichagara pasi seDisciplinary Committee tichakubatai tinokuzivai musatikanganisira musangano wedu tapota.”

Mumwe mugari wemaMutare VaThembani Mudavanhu vati, “Zvaitwa izvi zvange zviri kutarisirwa nevazhinji kwazvo chasara kuti zvizadzikiswe chete nyika yofambira mberi sezvinodiwa uye zviri kuitwa nedzimwe nyika.”

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vachitungamira sangano reCentre for Research and Development VaJames Mupfumi vatiwo, “Nyaya yekupinda nekubuda basa kwevatungamiriri venyika yakanaka samara.” Vatiwo, “Mubumbiro redu remutemo weZimbabwe ra2013 zvinofanirwa kutevedzerwa semanyorerwe azvakaitwa. Haisi nyaya yekuti nyika ipedze nguva ichitaura nezvayo. Nyika inotarisira kuti hurumende yapihwa mandate nevanhu kuti izadzikise izvozvo nekugadzirisa nyaya dzeCorruption yakuita kuti vanhu vave nehupenyu hwakanaka, chete chete.”

Vakawanda muZanu-PF vari kutarisira kuti mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga ndivo vachatora chigaro chekutungamira bato reZanu-PF kunyangwe paine vamwe vasiri kuda kuti vatungamire vachiti VaMnangagwa vanofanira kuramba vari panyanga.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Sydney Saizi