Gamba Munyaya dzeMitambo Amai Rwizi Vakashaya Nezuro

ZBC

Mutambi akaita mukurumbira zvikuru munyika Susan Chenjerai aizivikanwa nerekuti Amai Rwizi mumutambo waibuda pamaterevhizheni, “Mhuri yaVaMukadota akashaya nezuro.

Vaiita mutambo vari mudzimai waSafiro Madzikatire ainzi Mukadota.

Kunze kwekuita zvemitambo, Chenjerai aiimbawo. Vanhu vakawanda vari kutumira mhuri yemufi mashoko enyaradzo nekutenda mabasa aakabata mukusimudzira zvemitambo.

Sangano reNational Arts Council ratumira mashoko enyaradzo richiti nyika yarasikirwa nedenhe reruzivo. Kumakore ekuma 1950 vainge vave kutota zvemitambo vezvikwata zvakaita seBantu Actors uye Marandellas Bush Babies. Vakamboimbawo naOliver Mtukudzio naJordan Chataika.

Pavakasiya zvemitambo, Amai Rwizi vange vave mufundisi mukereke yeThe New Gospel Church of God.