Hurumende Yotungamira Mabasa eKugadziridzwa kweMigwagwa neKutakurwa kweMarara muGuta reHarare Pamberi peMusangano weSADC

  • Jonga Kandemiiri

Meya veguta reHarare, VaJacob Mafume.

Hurumende inonzi yakambotora matomu ekutungamira kufambiswa kwemabasa anosanganisira kugadziridzwa kwemigwagwa, kutakurwa kwemarara nekufamba kweveruzhinji nemabhazi kubva kukanzuru yeHarare pamberi pemusangano weSADC uri kutarisirwa kuitwa muZimbabwe mwedzi unouya.

Hurumende inonzi yakatotenga motokari dzekutakura marara dzinodarika zana, uye yakapawo vane zvivakwa zviri mumigwagwa mikuru muguta iri kusvika musi wa 31 mwedzi uno kuti vange vagadzirisa zvivakwa zvavo kuti zvitarisike zvakanaka.

Musangano weSADC wechimakumi mana nemana, kana kuti 44th SADC Summit, uri kutarisirwa kuitwa muHarare kubva musi wa 14 kusvika musi wa 18 Nyamavhuvhu.

Studio 7 yakundikana kubata gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Doctor Jenfan Muswere, kanawo munyori mukuru mubazi ravo, VaNick Mangwana, kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi.

Hurumende yagara ichipomera kanzuru yeHarare mhosva yekutadza kufambisa mabasa ebudiriro pamwe neanobatsira vagari ichiti zviri kukonzerwa nehuwori hwainoti huri mukanzuru.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vakatodoma komisheni iri kuferefeta huwori pamwe nemashandiro ekanzuru yeHarare kubva muna 2017 kusvika pari nhasi.

Asi meya veguta reHarare, VaJacob Mafume, vagara zvavo vachisnyunyuta nekwavanoti kunonoka kwehurumende kugovera mari dzebudiriro yematunhu, kana kuti devolution funds, vachiti zviri kukanganisa kufambiswa kwemabasa muguta gutu renyika iri.

Pakupindira kwehurumende mukuitwa kwemabsa ebudiriro muguta ravo, VaMafume, vanotenda kuti ichokwadi kuti hurumende ndiyo yave kutungamira mamwe mabasa emuguta, asi vachiti ragara riri basa rehurumende kugadzirisa guta rinenge richiitirwa misangano yenyika yakadai seuri kuuya weSADC uyu, kwete kuti zviitwe nekanzuru ichishandisa mari dzemitero yevagari.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJacob Mafume

Mukuru werimwe sangano rinomirira vagari vemuHarare, reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanoti dai bumbiro remitemo richiteverwa pangadai pasina chikonzero chekuti hurumende iti yave kupindira mukugadziriswa kweguta reHarare nekuti pane mari dzebudiriro yematunhu dzagara dzichifanirwa kuendeswa kumabasa akadai.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPrecious Shumba