VaBiden Voiswa Pakaoma paNyaya yeKuti Vabude Pachena Kuti Vari Kukwikwidza Here Kana Kuti Kwete muSarudzo yeMutungamiri weNyika muAmerica

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Mutungamiri weAmerica vari mutungamiri weDemocratic party, VaJoe Biden.

Mutungamiri weAmerica uye vari mutungamiri webato remaDemocrats, VaJoe Biden, vari panguva yakaoma yekuti vabude pachena nepavamire panyaya yekuti vokwikwidza here kana kuti kwete musarudzo yemutungamiri wenyika muAmerica ichaitwa muna Mbudzi wegore rino.

Izvi zviri kuuya mushure mekushoropodzwa kwavo nevamwe pamusoro pemafambisiro avakaita gakava ravakaita kupera kwemwedzi wapera nevachamirira bato rema Republican musarudzo, VaDonald Trump.

Gakava iri rakaitwa panhepfenyuro yeCNN.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vachitaura vakazvimirira, VaTim Muringai, vanoti havawoni zvavo VaBiden vachibuda mumakwikwi aya seszviri kukurudzirwa nevamwe vari kuti vakwegura, vachiti makore aVaBiden nemakore aVaTrump haana kunyanya kusiyana.

"Vaviri ava havana kunyanya kusiyana pamakore asi pave kushandiswa zvematongerwo enyika kusvibisana sezvo kubuda kwaVaBiden kuchizoreva kuti bato ravo rinofanirwa kuzotanga patsva kutsvaga mumwe mumiriri waro musarudzo iko kwasara nguva pfupi kuti sarudzo idzi dziitwe," VaMuringai vaudza Studio7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Tim Muringai