Pakupera kweMusangano weNATO VaBiden Vokurudzirwa Kusiira Chigaro Achiri Kutemwa Dzinobva Ropa

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

VaJoe Biden

Vatungamiri venyika dziri mugungano reNATO vakapeta musangano wavo mukuru muWashington DC nezuro,

Musangano uyu, uyo wakatanga nemusi weChipiri, uchiuyawo panguva iyo sangano reNATO rakatarisana nematambudziko akawanda anosanganisira hondo pakati peRussia neUkraine.

Asi kunyangwe paine matambudziko aya, vanhu vakawanda vange vakaisa ziso ravo pamutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden sezvo vamwe kusanganisira mubato mavo vari kuti vanofanira kusiira chigaro anotemwa dzinobva ropa basa.

VaBiden vakatatarika mugakava ravakaita nevavari kukwikwidzana navo VaDonald Trump. Uye nezuro vakatiwo mutevedzeri wavo ndiVaTrump kwete Amai Kamala Harria. Vakadaidzawo mutungamiri wenyika yeUkraine VaVolodymyr Zelenskyy kuti VaPutin (Russia) pamusangano nevatori venhau.

Asi VaBiden vanoti vanokwanisa kutungamira kwemamwe makore mana. Asi VaTrump vanoti VaBiden vakwegura.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika VaTim Muringai vanoti semaonero avo VaBiden vanokwanisa kuramba vari panyanga.

VaMuringai vati, "Musangano weNATO uyu wauya panguva yakanaka tichitarisa nyaya yehutungamiri hwaVaBiden kubato ravo remaDemocrats."

Vatiwo, "VaBiden parizvino vari kuratidza kuti vakasimba uye kuti vanokwanisa kumirira bato ravo musarudzo dzemutungamiri wenyika apo vachange vachikwikwidzana naVaDonald Trump vemaRepublicans,"

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTim Muringai