Mapurisa Anoti Haasati Apirwa Nyaya yeKuti Pane Vaida Kuba Pamba paVaMnangagwa

Mutauriri wemapurisa commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti havasati vawana gwaro rinoratidza kuti pane vanhu vakapwanya kumba kwemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuHellensville muHarare nemusi svondo.

Bepanhau repadandemutande reZimlive rinoti pane vanhu vatatu vaida kuba zvekuvakisa zviri pamba apa vachibva varidzirwa pfuti nemapurisa pakati pehusiku vakabva vaita chitsoka ndibereke. Imba iyi iri kuvakwa nekambani yekuChina inonzi Zim Nanton Construction.

Mapurisa akazivisa vatori venhau kuti achiti kutsvaga vanhu vakapinda muhofisi meimwe hama yavamnangagwa, vari mutevedzeri wegurukota rezvekushanyirwa kwenyika VaTongai Mnangagwa pa6th floor Zimbabwe Tourism Authority muHarare.

Mapurisa ari kuferefetawo kupindwa nevanhu vasiri kuzivikanwa kaviri uye kuzopiswa kweimba yemwana wavamnangagwa, VaDavid Mnangagwa avo vanova mutevedzeri wegurukota rezvemari.