Nyaya yeChikumbiro cheKubvisa Mari yeChibatiso yeNhengo dzeCCC Yonzwikwa neDare Mangwana

VaJameson Timba

Dare repamusoro reHigh Court mangwana riri kutarisirwa kunzwa chikumbiro chenhengo dzedare rebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change rekuti dzitongwe dzichibva kumba.

Nhengo idzi dzinosanganisira mutungamiri webato iri VaJameson Timba nevamwe makumi manomwe nesere. Gweta revasungwa ava, VaJeremiah Bamu vaudza Studio 7 kuti mutongi Justice Lucy Mungwari vachanzwa nyaya iyi.

Vanhu ava vakasungwa musi wa16 vachicherechedza zuva remwana weAfrica kana kuti International Day of the African Child.

Vakapomerwa mhosva yekuti vaida kupesvedzera mhirizhonga nekusagadzikana munyika. Asi magweta avo anoi vainge vachigocha havo nyama nekucherechedza zuva iri.

Munyaya yange iri mudare yekutongwa kwavo, vachuchusi vati havasati vagadzirira nekudaro vaungwa vanzi vadzoke kudare musi wa24 Chikunguru.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJeremiah Bamu

Zvichakadaro, musha wenhengo yebato reCCC riri kutungamirwa naVaJameson Timba, VaWilson Makanyaire kuHurungwe West, Ward 25 mudunhu reMashonaland West, unonzi wapiswa nevanhu vasati vazivikanwa muchiitiko chinofungidzirwa kuti chine chekuita nezvematongerwo enyika.

VaMakanyaire ndivo vanga vachitungamira hurongwa hwekuratidzira kwanga kuchirongwa nenhengo dzeCCC yakarerekera kuna VaTimba kuKaroi dzichikurudzira kuti VaTimba nevamwe vavo makumi manomwe nevasere vari muhusungwa buritswe.