Vakaremara Voratidzira Zvigadzirwa Zvavo kuGungano Guru kuBindura

Zviratidzwa zvemazuva matatu zveNational Disability Expo zvegore rino zvatanga nhasi munhandare yeChipadze, muBindura kuMashonaland Central uye vanhu vanodarika zviuru makumi matatu ezviuru (30 000) vanotarisirwa kupinda pagungano iri.

Vakaremara vanoratidza humhizha hwavo pane zvakasiyana siyana zvinoitika munyika pagungano iri.

Zviratidzwa izvi zviri kurongwa nehofisi yemutungamiriri wenyika inoona nezvevakaremara. Mumwe mushandi mukuru muhofi iyi, VaMackinon Chirinzepi, vati donzvo guru rezviratidzwa izvi kusimudzira vakaremara nekuvapa mukana wekuratidza hunyanzi hwavo pamwe nekushambadza Mabasa avanoita.

Vamwe vapinda muzviratidzwa izvi ndiAmai Tsitsi Munyebvu vanove sachigaro wevakaremara kwaMutasa kuManicaland avo vati vanofara nekufamba kuri kuita zvinhu.

Mushandi mukuru anoona nezvevakaremara paGreat Zimbabwe University, Amai Tatenda Vongai Moyo, vati chikoro chavo chiri kuratidzira zvachiri kuita kusimudzira vashandi nevadzidzi vakaremara.

Mumwe wemaSeneta maviri anomirira vakaremara Amai Annah Shiri vaudza Studio 7 kuti vafara zvikuru nemhando yezviratidzwa zviri paExpo yegore rino.

Amai Benenia Tsuro avo vakatanga kusaona muna 2008 ndemumwe anotarisirwa kutaura paExpo iyi.

VaTendai Dimikira avo vasingaonewo vati zviri kuitwa nemutungamiriri wenyika kuburikidza neDisability Expo zviri kuita kuti vakaremara vawane raramo.

Kanzura Joseph Chiputura vekuChimhanda Disability Organisation kuRushinga vaudza Studio 7 kuti vanotenda VaMnangagwa nekusimbisa vakaremarakuburikidza nezvirongwa zvebudiriro pamwe nekuunza Expo iyi kudunhu ravo reMashonaland Central Province.

National Disability Expo iri kuitwa pasi pedingindira rekuti, “Acclerating the Attainment of Vision 2030, Disability Empowerment Targets for Enhanced Inclusive Sustainable Development.”

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vanotairisirwa kuvhura zviratidzwa izvi zviri pamutemo nechishanu apo vanotarisirwa kupa vakaremara zvinhu zvakaita sedzimba, minda, huku nezvimwe zvinota kuti vakwanise kurarama vakazvimirira.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya