NATO Yokandirana Makobvu neMatate neRussia neChina

Musangano wenyika makumi matatu nembiri dziri mugungano reNorth Atlantic Treaty Organization kana kuti NATO uri kupetwa muWashington DC nhasi.

Asi musangano uyu wave kutokonzera kukandirana makobvu nematete pakati penyika dziri mugungano iri neChina neRussia. Russia iri kuti danho rekupa Ukraine zvombo zvemhando yepamusoro soro zvakanangana nekuda kuisvokosva.

China yatiwo NATO iri kukonzera kusagadzikana munyika dzekumawirira. Izvi zvinotevera mashoko eNATO ekuti China ndiyo iri kupezvedzera Russia kuti irambe ichirwisa Ukraine.

Asi NATO iri kuyambira China neNATO kuti hadzifanire kuramba dzichikonzera kusagadzikana nekuti dzinotorerwa matanho akaomarara.

Muzvinafundo Stanford Mukasa vaimbodzidzisa paIndiana University of Pennsylvania vaudza Studio 7 kuti nyaya yekunetsana nekuunganidza zvombo kana kuti “cold war” apo painetsana zvakanyanya nyika dzekumawirira nedzekumabudazuva.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaStanford Mukasa