VaTimba neVamwe Vavo veCCC Votarisirwa Kupedza Mwedzi Vari Mujeri

Jameson Timba vakafanobata chigaro chekutungamira bato reCitizens’ Coalition for Change.

Dare repamusoro nhasi rati richanzwa nemusi we Chipiri svondo rinouya nyaya yevakafanobata chigaro chemutungamiri webato reCitizens Coalition for Change VaJameson Timba nevamwe vavo makumi manomwe nevanomwe (77) yekupikisa mutongo wedare ramajisitiriti uyo wakavanyima mukana wekubhadhara mari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kumba panyaya yavari kupomerwa.

Dare ratora matanho aya sezvo vachuchusi vange vasina kugadzirira kuti nyaya iyi inzikwe nhasi.

Mutongi wedare repamusoro, Justice Chipo Annie-Lucy Mungwari vaendesa nyaya iyi mberi zvichitevera chikumbiro chevachuchusi.

Rimwe remagweta aVaTimba nevamwe vavo. Agency Gumbo, vanoti vatambira chikumbiro chevachuchisi sezvo vange vasati vapindura pamagwaro avakakwidza kudare.

VaGumbo vati, “Saka tauya nhasi vachuchusi vakakumbira kudare kuti dai nyaya iyi yaiswa mberi vhiki rinouuya zvinova zvinobatsira kuti vaise mhinduro yavo kuchikumbiro chatakaisa kudare mangwana nenguva dza11 mangwanani."

Vaenderera mberi vachiti, "Saka tinotarisira kuti tichawana mhinduro iyoyo kubva kubva kuvachuchusi kana tawana mhinduro iyoyo dare rati nyaya iyi ngaidzoke mudare nechipiri vhiki rinouya.”

VaTimba nevamwe vavo vakusungwa musi wa16 Chikumi kumba kwavo kuAvondale apo vaicherechedza zuva remwana weAfrica kana kuti Day of the African Child.

Vari kupomerwa mhosva yekuti vaida kupesvedzera mhirizhonga nekusangadzikana munyika.

Asi magweta avo anoti pakasungwa vanhu ava vainge vachigocha havo nyama nekuccherechdedza zuva iri.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya