VaMnangagwa Votarisirwa Kukumikidza Hurongwa hweKugadzirisa Nyaya yeGukurahundi Vamwe veZipra Vachiti Zvinogona Kusashanda

Madzishe achatungamira hurongwa hwekuyedza kupodza maronda akakonzerwa nekupondwa kunonzi kwakaitwa vanhu kuMidlands neMatabeland kubva muna 1983 kusvika 1987 asangana muBulawayo nhasi kupedza gadziro yavo yehurongwa hwekunzwa pfungwa dzevanhu pamberi pekukumikidzwa kwebasa ravo mangwana nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

VaMnangagwa vachaparura hurongwa uhu zviri pamutemo paState House yekuBulawayo. Gweta guru rehurumende Amai Virginia Mabhiza vaudza Studio 7 kuti VaMnangagwa vakazvipira kugadzirisa nyaya iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Virginia Mabhiza

Asi mutauriri weZIPRA VaBaster Magwizi vati havana chokwadi chekuti chiromgwa ichi chinobudirira kana vanhu vakasapihwa mukana wekutaura vakasungunuka.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaBaster Magwizi

Nhasi mutungamiri wekanzuru yemadzishe kana kuti Chiefs Council Mambo Mtshane Khumalo vaudza bepanhau reHerald kuti madzis asangana kuti atambire gwaro revanhu gumi nevaviri vainge vachiita tsvakiridzo nezvehurongwa hwavo kana kuti Steering Committee.

VaMnangagwa vachazosumwa mangwana nezvange zvichiitwa mwedzi mishanu nekomiti inosanganisirawo maseneta ekuMatabelaland North neSouth.

Gwaro rakaburitswa neCatholic Commission for Justice and Peace inoti vanhu zviuru makumi maviri kana kuti 20 000 vakapondwa muMatabeleland neMidlands munguva iyi.

Gukurahundi Memorial Center

Vamwe vanhu vaibatwa chibharo nekuitwa kafiramberi. Vamwe vanoti vaimanikidzwa kuita zvepabonde nehanzvidzi dzavo kana ana amai vavo.

Mauto eFifth Brigade ayao akadzidziswa zvechiuto kuNorth Korea ndiwo anopomerwa mhosva yekuponda vanhu. Asi hurumende yakambotanga ichiti yaive nguva yehondo sezvo ichiti veZapu vainge vapandukira hurumende.

Asi VaMugabe vakazoti yaive nguva yekupenga. Kunyangwe gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vakamboda kuti nyayay iyi yakagadzirirwa nekubatana kweZapu-neZanu-PF, musangano weUnited Nations wakakurudzira kuti igadziriswe kupedza kusawirirana kwemarudzi munyika uye kuripa vakafirwa nehama nekutyorerwa kodzero dzavo.