Bato remaRepublican muAmerica Rinodoma VaTrump Zviri paMutemo Kuti Varimirire muSarudzo yeMutungamiri weNyika

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Musangano weRepublican Party watanga kuMilwaukee, Wisconsin.

Bato remaRepublican muAmerica ratanga musangano waro mukuru weNational Convention kuMilwaukee mudunhu reWisconsin richidoma zviri pamutemo VaDonald Trump semunhu achamirira bato iri musarudzo yemutungamiri wenyika muna Mbudzi gore rino.

Musangano uyu wadomawo VaJames David Vance, vanove Seneta wedunhu reOhio, semutewedzeri waVaTrump musarudzo idzi.

Izvi zviri kuuya mazuva maviri mushure mekupfurwa kwaVaTrump nemurume aida kuvauraya pamusangano wavakaita wekutsvaga rutsigiro kuPennsylvania.

Musangano uyu uri kuitirwa paFiserv Forum Arena kuMilwaukee, Wisconsin kwemazuva mana.

VaTrump vanoti vakakuvara panzeve uye chiitiko ichi chiri kushorwa zvikuru nemutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vachivimbisa kuti vachaita zvese zvavanogona kuitira kuti pasave nezvimwe zviitiko zvakadayi zvichazoitika zvakare.

Muwongorori wenhau dzezvematongerwo enyika vari mugari wemudunhu reOhio, VaTim Muringai, vanoti vanotarisira kuti musangano wemaRepublicans uyu uchaenderera mberi zvakanaka pasina chinokanganisa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTim Muringai