Vavhoti vemuAmerica Votaura Pamusoro peKupfurwa kwaVaTrump

Vari kumirira bato Republican Party musarudzo VaDonald Trump pavakapfurwa kuPennsylvania.

Vavhoti vemuAmerica vari kuongorora hudzamu hwekuedza kuurayiwa neMugovera kwevari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika VaDonald Trump.

Vavhoti ava vari kufunga kuti kupfurwa uku kunoreveyi kunyika, uye kusarudzo dzemuna Mbudzi.

Kupfurwa kwaVaDonald Trump kwakavhundutsa nyika zviakanyanya zvekusvitsa mukuti vari kutsvaga rutsigiro vaparadzanise vanhu.

Nhume dziri kugungano rebato reRepublican kana kuti Republican National Convention mudunhu riri pakati peAmerica nechekumadokero reWisconsin dzakaungana kunamatira nhengo yadzo ichakwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika yakamirira bato uye dzakati kupfurwa uku kuchatoita kuti isimbe zvakanyanya.

VaHarrison Musselwhite vanove nhengo yeRepublican Party vachibva kudunhu reSouth Carolina, vanoti, “Zvaita kuti tose zvedu, kusanganisira mutungamiri wenyika VaTrump, titotsungisise kurwa kuti tikunde. Mutungamiri wenyika VaTrump vane mweya mumwechete newaive naVaWinston Churchill. Tinorwa navo nemujecha. Tinorwa navo nemumaguta. Tinorwa navo mumigwagwa. Uye rwendo rwuno tiri kurwa tichikunda.”

VaJames Hauser muvhoti wekuWisconsin vanoti America haina nzvimbo yemhirizhonga yezvematongerwo enyika.

“Vanhu vane maonero avo. Hapana munhu anofanirwa kupfurwa nekuti ane maonero ake. Ndinoreva kuti, ndiko saka tichivhota kuti ndiani anopinda. Tinofanirwa kumisa kupfurwa kwevanhu.”

Muvhoti wekuMissouri, Amai Amy Declue vanoti kupona kwaVaTrump muchiitiko chekupfurwa kunowedzera kurudziro yavo yekuti vavhoterwe.

“Nguva dzose panoitika chimwe chinhu kwavari, ndinonzwa sekunge zvinotosimbisa kukunda kwavo zvakanyanya. Vanenge vasvika pachinhanho chiya chehugamba. Vapfuura nemune zvose izvi, uye vanoramba vachingoenda.”

Mu New York, vavhoti vakataura neVOA vaishushikana nezvinoreva kupfurwa kwaVaTrump kune zvematongerwo enyika muAmerica.

Mumwe muvhoti, Vincent anoti, “Sevanhu vakawanda vane pfungwa dzakati kwesere, ndakatyiswa nazvo. Ndezvimwe zvisingafanirwe kuitika muAmerica. Tinofanirwa kuve nani kudarika izvi. Mativi ose anofanirwa kuve nani kudarika izvi.”

Mumwe muvhoti wemuNew Jersey, John anoti, “Tauriranai pamunenge muchipesana maonero. Tauriranai zvamunopesana. Hapana chikonzero chekuda kuedza kuuraya vanhu pamusoro pazvo.”

Cindy, muvhoti wemuNew York, anoti, “Handisi munhu anofarira VaTrump. Ndiri waVaJoe Biden kusvika kumagumo. Ndinongofunga kuti mativi ose anofanirwa kudzikamisa zvinhu mbichana. Hazvina kukosha kuti ani nani zvake arasikirwe nehupenyu pamusoro pemaonero ake nyaya dzezvematongerwo enyika.”

Muvhoti wekuTennessee, Amai Laura Baiger vanoti, “Chiitiko chekupfurwa kwevanhu kumusangano wezvematongerwo enyika kuPennsylvania chinoratidza kuti panofanirwa kuderedzwa kunetsana mune zvematongerwo enyika. Tadii kungotaudzana? Kune vakawanda vanenge vachikwidza nekudzikisa mwando, zvekupenga chaizvo. Uye hapana kana chikonzero chekuita izvozvo. Tinoda runyararo. Tinofanirwa kutanga kutaudzana, kutaura nemumwe, kuteererana.”

Amai Kristen Billet muvhoti wekuPennsylvania vanoti kupfurwa uku kunoratidza kuti panoda kuwedzerwa vanochengetedza.

“Zvinosuwisa kuti zvakaitika nekuti vanhu vasina mhaka vakafa. Asi tinovimba kuti pachawedzerwa vanochengetedza vese iye zvino kusvika zvinhu zvadzikama zvishoma.”

Todzokera kuWisconsin, Muzvare Dawn Goodman, vanove mutsigiri waVaTrump, vanofunga kuti mhirizhonga yeMugovera ichachinja mamiriro ezvematongerwo enyika muAmerica.

“Zvisineyi nekuti ndaVaBiden kana VaTrump, kuedza kupfuudza mutungamiri wenyika kwakangoipa. Munguva inotevera, munhu munhu zvisineyi nekuti ndaVaBiden kana kuti ndaVaTrump. Uye vanhu vakave nechekuita nekupfurwa kwaVaTrump uku, imhuri inotoda minamato yedu nekurangarirwa zvakare.”

Vari kutsvagira rutsigiro VaTrump naVaBiden vose vadzora matauriro avo kubva zvaitika chiitiko chekupfurwa ichi, VaTrump vachiudza bepanhau reNew York Post kuti vakatodzokorora kunyora zvimwe zvikamu zvemashoko avo avachazotaura kuWisconsin nemusi weChina pavachatambira kudomwa kwavo kuti vamirire bato ravo musarudzo kuti anangane nekubatanidza nyika pamwechete.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya yaScott Stearns weVOA News ichiverengwa naJonga Kandemiiri weStudio 7

Iyo yanga iri nyaya yabva kuna Scott Stearns, mutori wenhau weVOA News ari kuMilwaukee, yamaverengerwa neni Jonga Kandemiiri we VOA Studio 7 ndiri muWashington, DC.