VaTrump Votarisirwa Kutaura Zvekubatanidza Nyika paMusangano weBato Ravo

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Election 2024 RNC

Vaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vari kutarisirwa mangwana mangwanani kutambira zviri pamutemo kusarudzwa kwavo kuti vatungamirire bato remaRepublicans musarudzo yemutungamiri wenyika muna Mbudzi.

Bato ravo riri kupeta hurongwa hwaro hwemazuva mana kana kuti Republican National Convention kuMilwaukee mangwana zvakare.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Muzvinafundo Moses Rumano vanodzidzisa paNorth Central State College muOhio muno muAmerica vanoti vanoona sekuti VaTrump mumashoko avo vachataura zvekubatanidza nyika mushure mekuda kupfuudzwa.

Aka ndekekutanga VaTrump vachitaura paruzhinji kubva mumwe munhu ayedza kuvauraya nemusangano nevatsigiri vavo kuPennsylvania nemusi weMugovera.

VaTrump vari kukwikwidzana musarudzo iyi nemutungamiri weyika uye bato remaDemocrats VaJoe Biden avo vazivisa kuti vambomira kutsvaga rutsigiro sezvo vakabatwa nechirwere cheCovid -19.

Mangwana mhuri yaVaTrump ichabatana navo kumusangano webato ravo uko vari kutarisirwa kukurudzira kubatana munyika zvichitevera kuda kupfurwa kwavo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Moses Rumano