VaTrump Voshorwa neKuda Kudzinga Vakapotera Vasina Magwaro Akakwana

Vaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump nhasi vakurudzira kubatana apo vatambira zviri pamutemo kusarudzwa kwavo semumiriri webato remaRepublicans ichaitwa muna Mbudzi. Vange vachitaura kuMilwaukee, Wisconsin pamusangano weRepublican National Convention.

Mhuri yaVaTrump

VaTrump vataurawo nezvemitemo yavachadzika kana vakasarudzwa inosanganisira kuomesera vekunze vanoda kupotera muAmerica vasina magwaro.

Vati, “Hongu tinoda kuti vanhu vauye muunyika medu, asi havafanire kupinda muno zvisiri pamutemo.” Vati vachingosarudzwa vachaita hurongwa hwekukumba vasina mapepa vose vachivadzosera kunyika dzavakabva.

Asi gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda nesangano reAll Hands on Justice vanoti hurongwa hwakadai hauna kunaka uye hunokonzera kusagazikana nekufungirana.

Vati handi chokwadi chiri kutaurwa naVaTrump kuti vasina magwaro ndivo vari kutora mabasa kubva kuvatema nevakabva kuLatin America vari munyika zviri pamutemo.

Aka ndekekutanga VaTrump vachitaura kubva zvavayedza kuurayiwa nemusi weMugovera naThomas Matthew Crooks kuPennsylvania.

VaTrump vati, “Ndiri kupinda musarudzo iyi kuti ndive mutungamiri wenyika yose kwete yechimwe chidimbu cheAmerica.”

Panyaya yekuda kuurayiwa VaTrump vati zvinhu zvinorwadza zvakaitika kwavari uye havadi kuramba vachizvitaura. Vaudza nhengo dzebato ravo kuti, “Mazuva mashoma adarika, rwendo rwangu nemi rwakapotsa rwaguma.”

Vati vakapfurwa panzeve yekurudyi vachibva vatanga kubuda ropa. Pakupfurwa kwavo vati

Vatenda vasori vanovachengetedza nekuvadzivirira kwavakaita kuti vasapfurwe. VaTrump vati kunyangwe zvinhu zvainge zvisina kumira zvakanaka vakanzwa kusimba nekuti Mwari aive navo.

Vati vange vasingafanire kuve pamusangano wanhasi. VaTrump vatorawo mukana uyu kurangarira VaCorey Comperatore vakaurayiwa pavakapotswa nemabara.

Vati vari kuda kuti America isapinde muhondo nedzimwe nyika. VaTrump vatiwo nyika dzakapamba zvizvarwa zveAmerica dzinofanira kuzvidzora vasati vatora chigaro.

Vataurawo nezvekuendeswa kwavo kumatare nemhosva dzakawanda dzavari kupomerwa vachiti zviri kukonzerwa nevebato remaDemocrats ari kupinza zvematongerwo enyika mumatare. Izvi zviri kurambwa nemaDemocrats achiti munhu anotongwa nemhosva yake pasina kutarisa kuti abuda mumba maani.

Hulk Hogan

Vamwe vataura pamusangano uyu vanosanganisira muvhangeri VaFranklin Graham avo vati Mwari ndiye akapa kuti VaTrump vapunyuke nepaburi retsona pavakapfurwa. Aimbova mutambi wresting Hulk Hogan ndemumwe ataurawo pamusangano wanhasi achiti VaTrump igamba.

Vamwe vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vanoti havo VaTrump havana kutaura mashoko ekubatanidza vanhu sezvaitarisirwa. Asi vatsigiri vavo vanoti ndizvo chaizvo zvavaita.

Joe Biden

Asi kunyangwe VaTrump vange vachitambirwa nemufaro, zvinhu hazvina kumira zvakanaka kubato remaDemocrats uko vamwe vave kuti nekuda kwekuwegura, mutungamiri wenyika VaJoe Biden vave kufanira kuenda pamudyandigere vosiira mumwe kuti akwikwidze.

VaJoe Biden

Asi VaBiden vatsika madziro sezvo vaburitsa mashoko kuvatori venhau vachiti vachaenderera mberi nekutsvaga rutsigiro.

VaBiden parizvino vari kumba kwavo kuDelaware kwavari kumbozorora sezvo vakabatwa nechirwere cheCovid-19.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Blessing Zulu