Mamwe Makereke Onyorera VaMnangagwa Tsamba Achiti Vasadududze Padanho Ravo Rekuti Vachasiya Basa muna 2028

Makerere emuZimbabwe pasi pegungano guru rinonzi Zimbabwe Heads of Christian Denominations kana kuti ZHOCD vanoti vari kutambira mashoko akataurwa kwaMutare nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa rekuti vari kuda kusiya chigaro muna 2028 panopera nguva yavo yekutunganira nyika sezviri mubumbiro remitemo.

Mutungamiri weZimbabwe Council of Churches Bishop Ignatius Makumbe vaudza Studio 7 kuti, “Tsamba iyi taiendesa kuhofisi yaVaMnangagwa tichivakurokotedza kuti kutaura ikoko nekufunga ikoko kwakanaka.”

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naBishop Ignatious Makumbe

Makereke aya ati mutungamiri wenyika vakatora danho rakakosha rekusimbaradza hutongo hwejekerere uye kuunza kubatana munyika.

Mumashoko kuvatori venhau, ZHOCD ine makereke anosanganisira Zimbabwe Council of Churches, Zimbabwe Catholic Bishops Conference, Evangelical Fellowship of Zimbabwe neUnion for Development of Apostolic Churches in Zimbabwe Africa.

Mumashoko kuvatori venhau makereke aya ati, “Kuzvipira uku kunochengetedza mutemo wenyika uye munongedzo wakanaka unounza kugadzikana munyika uye zvichpa kuti ushe huite madzoro zvichipa kuti munyaya dzezvematongerwo enyika zvinhu zvijeke pasaite zinyekenyeke.”

Kunyangwe bumbiro remitemo rakajeka kuti mutungamiri wenyika anofanira kutonga kwemakore gumi akatevedzana, vamwe mubato reZanu-PF vari kuda kuti bumbiro remitemo rivandudzwe kuti VaMnangagwa vatonge kusvika madhongi amera nyanga.