Hurumende Yatanga Kundirana Makobvu neMatete neMumiriri weAmerica muZimbabwe

Ambassador of the USA to Zimbabwe, H.E Pamela Marie Tremont

Hurumende yeZimbabwe yatotanga kukandirana makobvu nematate nemumiriri weAmerica munyika mutsva Amai Pamel Tremont.

Amai Tremont vakaudza vatori venhau kuti sarudzo dzemunyika hadzina kufambiswa zvakanaka muna 2023 uye vanoti kana Zimbabwe isingatevedzeri hutongo hwejekerere zvinonetsa kuti munyika muve nebudiriro.

Vakatiwo maonero avo panyaya yesarudzo ndiwo mamwe chete neeSADC, African Union, EU nevamwe.

Asi vati vakagadzirira kushanda nemapato ose ezvematongerwo enyika Asi gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Doctor Jenfan Muswere vaburitsawo mashoko kuvatori venhau vachiramba kuti sarudzo dzakabirirwa. Vati Zimbabwe yaitevedzera bumbiro remitemo rayo.

VaChrist Mutsvangwa

Mutauriri weZanu-PF VaChris Mutsvangwa vanoti shuviro yavo ndeyekuti America neZimbabwe dzitange kudyidzana zvakanaka pasina kukandirana makobvu nematete.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaChris Mutsvangwa

Nelson Chamisa

Vaimbotungamira bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa avo vakakwikwidzanawo musarudzo nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vati vakawanda kusanganisira ivo vane muonero sewa Amai Tremont.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaNelson Chamisa