Mukuru weSangano reNDWG, VaJob Sikhala, Vanodzoka muNyika Mushure meMwedzi Mina vari Kunze

  • Jonga Kandemiiri

VaJob Sikhala

Vaimbove mumiriri weZengeza West muparamende uye vari sachigaro wesangano re national democratic working group, va Job Sikhala, vasvika munyika nhasi mangwanani mushure mekupedza mwedzi mina vari kunze kwenyika uko vanoti vanga vachirapwa.

VaSikhala vanoti vasvika panhandare yeRobert Gabriel Mugabe International Airport muHarare zvisina dambudziko kunyange hazvo paive nevamwe mubato riri kutonga reZanu PF vaikurudzira kuti vasungwe pavanodzoka munyika vachipomerwa mosva yekutaura manyepo akanangana nekusvibisa zita renyika kunze kwavanga vari.

Izvi zvinotevera kutaura kwakaitwa VaSikhala musi wa 15 Chivabvu kumusangano wekodzero dzevanhu kuGeneva kuSwitzerland, uko vakati hurumende iri kuramba ichityora kodzero dzevanhu.

Vasikhala vanoti vakatyorerwa kodzero dzavo mushure mekugara mujeri kwemazuva mazana mashanu nemakumi mapfumbamwe nemashanu, kana kuti 595.

Vanoti vanoshushikana nekuramba kodzero dzevanhu dzchityorwa munyika, sezviri kuitwa VaJameson Timba veCCC nevamwe vebato ravo vavakasungwa navo, avo vari muhusungwa kubva musi wa 16 muwedzi wapera.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJob Sikhala

Asi vanoongorora zvematongerwo vari nhengo yeZanu PF, Doctor Masimba Mavaza, vanoti kunyange hazvo VaSikhala vakanga vasiya vaudza shamwari dzavo dzekunze kwenyika kuti vachanosvikosungwa kuZimbabwe, hurumende yeZanu PF yavaratidza kuti ihurumende inotevedzera bumbiro remitemo nekubvumidza munhu wese kuti ataure zvaanofunga.

Asi Doctor Mavaza vayambira VaSikhala kuti vasazorasa muswe nekuti mutemo unotora matanho akakodzera pavari.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Masimba Mavaza