Dynamos FC Inotora Mapoinzi Ose Matatu Mushure meKurova Hwange FC paMusha Payo

  • Michael Kariati

Chikwata cheDynamos.

Chikwata cheDynamos FC charova Hwange FC pamusha payo munhandare yeColliery umo Chipangano isingawanzoroveka zvekutamba.

Chikwata chine mukurumbira ichi chatora mapoinzi ese matatu zvichitevera chibodzwa chimwechete chabva kuna Kelvin Moyo, uyo arova mambure mushure memaminetsi makumi matatu nematanhatu emutambo, izvo zvaita kuti Hwange FC irohwe munhandare inotyisa yeColliery umo chikwata ichi chiine nhoroondo yekusaroveka zviri nyore.

Kukunda munhandare iyi kunofanira kupaDembare manyawi sezvo Dynamos iri kunoshandisa nhandare yeOrlando Stadium kuSouth Africa semusha wayo mumakundano eCAF Confederation Cup.

Asi vanga vari munhandare iyi vanoti vatsigiri vechikwata ichi vanga vachiimba, kurova ngoma, pamwe nekutamba vachisheedzera kuti pakamira murairidzi wavo Genesis Mangombe pakaoma.

Muongorori wemutambo wenhabvu, VaTapuwa Mushunje, vanoti izvi hazvina kuvashamisa nekuti vatsigiri vechikwata ichi vanoda kukunda masvondo ese zvekuti vachiri kurwadziwa nekurohwa kwavakaitwa neHighlanders.

"Vatsigiri veDynamos vanhu vanotarisira kuti Dembare ikunde mitambo yese yainotamba. Saka pressure inenge yakawandira kuna coach," vanodaro VaMushunje.

Vatsigiri veDynamos FC.

Asi mutsigiri wechikwata ichi, VaTedius Bhunu, vanoti vamwe vavo vari kurasika nekuti imba haivakwe nezuva rimwe vachiti Mangombe anofanira kupihwa nguva yakati rebeyi achiruka chikwata ichi.

"Munhu anopihwa nguva. Ngaapihwe mukana, kana apihwa mukana ndipo patinozoona kuti akundikana kana kuti kwete," vadaro VaBhunu.

Kukunda uku kwapinza Dynamos pachinhanho chechitanhatu nemapoinzi makumi maviri nemanomwe, mapoinzi gumi nemaviri pasi neFC Platinum iyo iri kutungamira gungano reCastle lager Premier Soccer League.

FC Platinum yacho ine mapoinzi makumi matatu nemapfumbamwe kubva mumitambo gumi nemapfumbamwe (19).

Hwange yaramba iri pachinhanho chegumi nenomwe iine mapoinzi gumi nemaviri zvekuti inofanira kuita mashiripiti kuti irambe iri mugungano iri.

Mimwe mitambo yatambwa nhasi yapera seizvi..

Manica 0 TelOne 0

Highlanders 2 Byo Chiefs 0

Caps United 0 Herentals 1

Vatsigiri veCaps United vanga vachiimbawo kuti murairidzi wavo Lloyd Chitembwe anofanira kusiiswa basa zvichitevera kukundwa uku.

Mitambo yeMugovera yakaperawo seizvi...

FC Platinum 0 Ngezi 0

Greenfuel 1 Simba Bhora

ZPC Kariba 0 Chegutu 0

Yadah 2 Bikita Minerals 0.

Murairidzi weCaps United, Lloyd Chitembwe (ari pakati).

Chimwe chibodzwa cheYadah chakakandwa naKhama Billiat uyo ari kushura mare mushure mekudzoka muZimbabwe apedza makore anodarika gumi achitambira kuSouth Africa.

Billiat abatana naWilliam Manondo pavatambi vakanda zvibodzwa zvakawandisa, vaviri ava vaine zvibodzwa zvisere pamunhu.

Zvikwata zvina zviri pamusoro-soro petafura ndeizvi ....

FC Platinum 39 points

Ngezi Platinum 34 points

Simba Bhora 34 points

Manica Diamonds 33 points

Murairidzi weNgezi, iyo ine mukombe uyu uyezve iri kurwisa zvakasimba, Takesure Chiragwi, anoti vari kufamba nekubatana kwakabva gore rapera kuti vatore mukombe uyu zvekare.

"Kungoenderera nepatakasiira gore rapera. Takachengeta maplayers akawanda vatadzoka navo gore rino. Kuzivana kwevatambi mumatambiro avo ndizvo zvirikutibatsira," anodaro Chiragwi.

Zvikwata zvina zviri pasi pasi ndeizvi..

TelOne 19 points

Chegutu Pirates 17 points

Hwange 12 points

Arenel Movers 11 points.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Michael Kariati