Masachigaro Ose eBato remaDemocrat muAmerica Otsigira Amai Kamala Harris Kuti Vave Ivo Vanokwikwidza muSarudzo yeMutungamiri weNyika

Mutewedzeri wemutungamiri wenyika yeAmerica Amai Kamala Harris.

Zvichitevera kuziviswa kwaitwa nemutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, kuti vari kutsigira mutewedzeri wavo, Amai Kamala Harris kuti vatore chinzvimbo chavo mumakwikwi ekurwira chigaro chemutungamiri wenyika musarudzo dziriko muna Mbudzi wegore rino, masachigaro eDemocratic Party mumatunhu makumi mashanu ose eAmerica anonzi abva atsigirawo Amai Harris.

Nhepfenyuro yeCNBC yati mari dziri kubviswa nevatsigiri vebato iri pamwe nevanopa rubatsiro dzekubatsira Amai Harris dzinonzi dziri kuwanda kubva zvaziviswa naVaBiden kuti vakuba musarudzo, mushure mekunge vamwe vevaimbobatsira VaBiden nemari yekutsvagisa rutsigiro vakanga vasunga homwe dzavo.

Vachiisa rutsigiro rwavo kuna Amai Harris, VaBiden vanonzi vati Amai Harris vanga vari munhu anoshandika zvakanaka naye uye vari kuisa rutsigiro rwavo rwose pavari kuti vamirire bato musarudzo yemutungamiri wenyika gore rino.

VaBiden vazivisa kuti vachataura kuruzhinji rwenyika yavo mukati mesvondo rino pamusoro pedanho ravo iri.

Muzinda weWhite House wazivisa kuti VaBiden vataura nenhengo dzedare reCongress dzine chitsama, magavhuna, nevatsigiri, uye vacharamba vachitaura nevane chekuita nenyaya iyi husiku hweSvondo uye neMuvhuro.

Amai Harris, avo vane makore makumi mashanu nemapfumbamwe ekuberekwa, havana kunonoka kuzivisa kuti vachatsvaga rutsigiro rwekuti vadomwe kuti vamirire bato ravo remaDemocrats musarudzo.

Amai Harris vaive seneta vedunhu rine vanhu vakawandisa muAmerica, reCalifornia, panguva yavakadomwa naVaBiden kuti vave mutewedzeri wavo mumakwikwi emutungamiri wenyika muna 2020 mushure mekunge VaBiden vabudirira mumakwikwi enhengo dzebato iri dzairwira kumirira bato musarudzo.

Amai Harris vati vachaita zvose zvavanokwanisa kubatanidza bato remaDemocrats, kubatanidza nyika nekukunda VaDonald Trump musarudzo.

Vati kwasara mazuva zana nemanomwe kusvika kuzuva resarudzo, vachiti vacharwa pamwechete uye vachakunda pamwechete.

Mushure mekuzivisa kwaVaBiden kuti vabuda musarudzo, vari kukwikwidza vakamirira bato remaRepublican musarudzo yemutungamiri wenyika, VaDonald Trump havana kutora nguva kutsoropodza vose VaBiden naAmai Harris.

Vachinyora padandemutande, VaTrump vati VaBiden vanga vasina kukodzera kukwikwidza pachigaro chemutungamiri wenyika, vachitiwo Amai Harris havana kusiyana naVaBiden.

VaTrump vaudza nhepfenyuro yeCNN kuti Amai Harris vari nyore kukunda musarudzo pana VaJoe Biden.

Vamwe mubato remaRepublican vanonzi vave kukurudzira VaBiden kuti vasiye chigaro chekutungamira nyika.