Gurukota rezveMukati meNyika, VaKazembe Kazembe, Vanoyambira Kuti Vacharatidzira paNguva yeMusangano weSADC Vacharangwa Zvakaomarara

Your browser doesn’t support HTML5

Gurukota rezvemukati menyika, VaKazembe Kazembe, havana kuda kurova imbwa vakaviga mupinyi pavavimbisa shamhu ine munyu kune vachafunga kukanganisa musangano weSADC uchaitwa muna Nyamavhuvhu. VaKazembe vataura izvi kumarinda eHeroes Acre pakuradzikwa kwegamba, VaBrigadier General Michael Chaminuka.