Chipfeko cheNyika Kana Kuti 'National Dress' Chokonzera Gakava Munyika

National dress- (Mufananidzo ZTA)

Kunyangwe National Arts Council iri kukurudzira vanoita zvemitambo kuti vapfeke zvipfeko zvenyika kana kuti national dress kushambadza Zimbabwe, vamwe vanoita zvemitambo vanoti kuita izvi kunonetsa sezvo zvave kuitwa sekunge zvipfeko zvebato riri kutonga reZanu-PF. Asi Zanu-PF inoti handi chokwadi sezvo iyo iine zvipfeko zvayo.

Mutambi wechidiki anoshanda akazvimirira Kudzai Madangwa anoti kushandisa zvipfeko zvenyika muzvigadzirwa zvakaita semafirimu zvinodzinga vatengi pamwe nevemabhizimusi vanenge vachida kuvatsigira.

"Vanhu vazhinji nyaya yezvipfeko zvenyika havasati vayitambira nekuti vanotya kuti mapindire ayakaita yakaita sekuti yakarerekera kune zvematongerwe enyika saka vanotya kuzodzinga vemabhizimusi" mashoko aKudzai Madangwa

Asi mumwe anoita zvekusetsa vanhu achiimbawo, Tyra Chikocho-Munetsiwa anozivikanwa nerekuti Madam Boss akarumbidzwa nebazi rezvekushanyirwa kwenyika nekupfeka chipeko chenyika paakaenda kuAmerica kumakwikwi makuru eBET Awards. Bazi iri rinoti akasimudza mureza wenyika.

Vanoongorora nezvematongerwe enyika vachishanda nesangano reInternational Media Support VaRashweat Mukundu vanoti kutungamidza zvematongerwo enyika pazvirongwa zvekugadzira nguwo idzi ndiko kuri kupa kuti vamwe vasade kudzipfeka.

"Nyaya yezvipfeko iyi yaifanirwa kuendeswa kumapoka akazvimirira ega voenda muvanhu vondokurukura kuti chatingashandisa chinomirira nyika chinhu chakaita sei kwete kusarudza vega zvavanoda kubato ravo" VaRashweat Mukundu vanotsanangura.

Asi mushandi mukuru muhofisi inoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaFarai Marapira varamba kuti ndezvebato.

"Zvipfeko zvenyika kwete zveZanu-PF saka munhu wese akasunguka kuzvipfeka ndosaka isu sebato takazvigamuchira nekuti tinoda kukurudzira kubatana munyika. Avo vanoramba national dress ndevaya vanowana pundutso mukurwisa vana veZimbabwe" mashoko aVaFarai Marapira.

Mukuru weNational Gallery of Zimbabwe VaRaphael Chikukwa vanoti zvakakosha kuti vana veZimbabwe varemekedze zvipfeko zvenyika vosiya zvematongerwe enyika.

"Ngatisiyei zvematongerwe enyika tigamuchire zvipfeko zvenyika nekuti ndozvinoratidza nhoroondo yedu nezvatiri senyika" VaRaphael Chikukwa vanotsanangura.

Nhengo yebhodhi reNational Arts Council of Zimbabwe inotungamira chikamu chezvekufambiswa kwezvirongwa musangano iri VaMarcus Gora vati Zimbabwe handiyo yega iri kukurudzira kupfekwa kwezvipfeko zvenyika.

"Zvinhu zvinobatsira kuti tirambe takachengetedza hunhu hwedu netsika uye Zimbabwe irikuitawo zvingoitwa nedzimwe nyika dzine zvipfekowo zvadzo" mashoko aVaMarcus Gora.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kumunyori mukuru mubazi rezvemitambo VaNicholas Moyo sezvo vange vasiri pabasa munguva yapfuura uye vange vasati vapindura mibvunzo yatavatumira pataenda pamhepo vachinzi vakabatikana negadziriro yemitambo yemaOlympics kuFrance.

Mumashoko kuvatori venhau, gurukota rinoona nezvekushanyirwa kwenyika Amai Barbara Rwodzi vakati bazi ravo ndiro rinoona nezvekutengeswa kwejira rechipfeko chenyika uye rinotengeswa nemadhora mana pamita kana kuti US$4 per metre.

Mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Auxillia Mnangagwa ndivo vakaparura hurongwa hwechipfeko chenyika ichi musi wa 18 Nyamavhuvhu 2021.

Chipfeko ichi chine shiri inonzi hungwe iri pamureza wenyika, mavara ari pamureza uyu uye chinotorawo chidavado chekuvaka kubva kuMasvingo eZimbabwe kana kuti “chevron pattern”.