Zimbabwe Sables Inosimudza Mukombe weRugby we2024 Africa Cup

  • Michael Kariati

Mutambi weZimbabwe Sables Dylan Utete.

Chikwata cheZimbabwe chemutambo we rugby cheSables chasimudza mureza wenyika mudenga mushure mekutora mukombe we2024 Africa Cup kumakwikwi aitirwa kuUganda.

MaSables nhasi masikati arova Algeria 29-3 ndokusimudza mukombe weAfrica Cup uyo akapedzisira kutora muna 2012 apo akarova Uganda 28-12.

MaSables anga akatungamira 12-3 panguva yekutura befu kana kuti nguva yemaranjisi.

Zimbabwe yadzorera kurohwa kwayakaitwa 12-20 neAlgeria apo zvikwata zviviri izvi zvakasangana muna 2022 zvichirwira chinhanho chechitatu mumakundano mamwechetewo.

Asi mubairo mukuru wauya nekutora mukombe uyu ndewekuti Zimbabwe yaenda pamusoro petafura munzira yekuenda ku2027 World Cup iyo ichaitirwa kuEngland.

Kaputeni weSables, Hilton Mudariki, anoti zvikaramba zvakadai,uyezve negadziriro yakasimba kuWorld Cup vanoenda

"Tine chikwata chakasimba, chine vagara varipo nevadiki vachiri kusimukira. Nenguva, sechikwata tichiita mitambo yekuedzana masimba, tinobudirira kuenda kuWorld Cup," adaro Mudariki.

Makundano e2024 Africa Cup ndiyo nharaunda yekutanga yekurwira tikiti rekuenda kuWorld Cup.

Tapiwa Mafura weZimbabwe Sables.

Mudariki anoti vari kuda rutsigiro rwakasimba kuti maroto avo eWorld Cup aya ave nechimuko.

"Ndiri kukumbira vatsigiri vedu vari muZimbabwe nevari kunze kuti varambe vachifamba nesu," anowedzera achidaro Mudariki.

Nevatambi vakaita saKudzai Mashawi, Cleopas Kundiona, Tapuwa Mafura, Dylan Utete naAiden Burnett, ramangwana reZimbabwe riri kuratidza kuti rakajeka.

Mukutora mukombe weAfrica Cup uku, Zimbabwe yafamba zvekare nhanho ina muhurongwa hwepasi rese zvekuti yave pachinhanho chemakumi maviri nenomwe kubva pachinzvimbo chemakumi matatu nechimwechete.

Makundano eRugby Africa Cup ari kuitirwa zvekare muUganda muna 2025.

Totarisa makundano e2024 Olympic Games;

Mutambi weZimbabwe, Stephen Cox, abuda mumakundano epasi rese aya mushure mekupedza ari pachinhanho chechina mumakwikwi ekushambira uri muigwa, kana kuti single sculls rowing.

Cox, uyo akaberekerwa muHarare asi achishandira mauto eBritain, ave kudzokera kumba mushure mekukundikana zvekare neMugovera apo akapedza ari pachinhanho chechina zvekare.

Vakwikwidza vari vashanu asi Isaac Zvegelj wekuSlovenia naJavier Insfran wekuParaguay ndivo vabudirira kuenderera mberi.

Vamwe vatambi veZimbabwe, vatuhwini Denilson Cyprisnos, naPaige den Van Westhuizen, vachapindawo munhandare nemusi weChipiri svondo rinouya.

Mutungamiri weCaps United VaFarai Jere.

Totarisa makundano eCastle Lager Premier Soccer League.

FC Platinum yaramba iri pamusoro petafura yegungano iri mushure mekurova Herentals 3-1 muMandava Stadium.

Kugona Kunenge Kudada yaramba iine mapoinzi maviri pamusoro peSimba Bhora iyo yashanya nekunorova Hwange 1-0 kuColliery.

FC Platinum yave nemapoinzi makumi mana nemaviri, Simba Bhora iine mapoinzi makumi mana.

Mimwe mitambo yanhasi yapera seizvi...

Dynamos 0 Bikita 0

Greenfuel 0 Chegutu 0

Highlanders 0 TelOne 0

Manica 0 Ngezi 0

Yadah 2 Byo Chiefs 1

ZPC 2 Chicken Inn 0

NeMugovera Caps United yakarohwa 2-1 neArenel Movers iyo yanga iri pasi pasi petafura izvo zviri kurwadza mutungamiri wayo VaFarai Jere.

VaJere vayambira vatambi vavo kuti pavave paoma zvekuti vave kufanira kusimudza matambiro avo.

"Zvikwata zviri kubva kuDivision One, zvinoti Caps United hatiitye. Highlanders inoda kukurovai kumukira pamuri ipapo. Ndiyo inonzi Caps United, saka inoda vatambi vane mwongo," vanodaro VaJere.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Michael Kariati