Musangano weSADC Wakanangana neVemaindasitiri Unotanga muHarare

  • Jonga Kandemiiri

Gurukota rezvemaindasitiri, VaMangaliso Ndlovu.

Musangano wechinomwe wezvemaindasitiri uri kupindwa nevemabhizimusi ari mudunhu reSADC, kana kuti 7th Southern Africa Development Community Industrialisation Week, watanga muHarare nesvondo makambani emunyika achinzi ari kutarisirwa kuwana ruzivo nekuvhura mikana.

Musangano uyu uchange uchiitwa kwesvondo rose uye unonzi unopa vemakambani emunyika mukana wekusangana nevemamwe makambani emudunhu reSADC pamwe nevanoda kusima mari dzavo munyika pamwe nemudunhu rose.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanotarisirwa kuvhurwa musangano uyu zviri pamutemo nemusi weChitatu.

Zimbabwe iri kutarisirwawo kuita musangano weSADC mwedzi unouya apo VaMnangagwa vachatora husachigaro hweSADC, uho hunoitwa madzoro nenyika gumi nenhanhatu dziri mugungano iri.

Gurukota rezvemaindasitiri, VaMangaliso Ndlovu, vakaudza bepanhau reSunday Mail kuti musangano uyu wakakosha sezvo uchipa Zimbabwe mukana wekuti isimudzire musika wayo mudunhu reSADC sisati yafunga zvekupinda muAfrica yose pasi peAfrican Continental Free Trade Area.

Vanoongorora zvehupfumi vachitungamira sangano re Coalition for Market and Liberal Solutions [COMALISO] Zimbabwe, VaRejoice Ngwenya, vanoti musangano wakanaka chose kana zvinhu zvichifamba zvakanaka munyika.

Asi vanoti havaoni zvavo uine zvikuru zvaunoshandura pamamiriro akaita zvinhu mumakambani emunyika, ayo ari kusangana nematambudziko ekushaikwa kwemagetsi pamwe nemari yekunze kwenyika.

VaNgwenya vanotiwo havaoni musangano uyu uchibatsira kugadzirisa matambudziko ari mune zvemabhizimusi kana SADC yakatadza kugadzirisa matambudziko ezvematongerwo enyika akasimudzwa negakava resarudzo dzegore rapera, idzo dzinonzi nevanopikisa pamwe nemamwe masangano akaongorora sarudzo hadzina kufambiswa zvakanaka.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRejoice Ngwenya