Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinoshanda nesangano reGrace Hope Foundation, Muzvare Nyasha Muzadzi, vanoti vari kufadzwa nekunge vari mumwe weavo vakakwanisa kusarudzwa kuve muchirongwa cheMandela Washington Fellowship For Young African Leaders (YALI) icho chinokokerwa nehurumende yeAmerica.
Chirongwa ichi chakatanga mugore ra2014 uye gore rino chasvitsa makore gumi chatangwa.
Muzvare Muzadzi, avo vakasvikira kuDelaware kwavakagara kwemavhiki mashanu apfuura, vanoti vadzidza zvakawanda muchirongwa ichi zvavanoti vachanoshandisawo kupakurira vamwe kana vadzokera kumusha.
Chirongwa cheMandela Washington Fellows chinotora vechidiki vanobva kuAfrica vanosvika mazana manonwe uye gore rino chine vadzidzi vakabva kuZimbabwe vanosvika makumi mana nevaviri.
Muzvare Muzadzi vanoshanda mukurwira kodzero dzemadzimai nevanasikana vari muHarare.
Vanoti vachange vari muWashington DC kwevhiki rino vasati vadzokera kumusha.
"Chirongwa ichi chiri kufamba zvakanaka uye nhasi chavhurwa zviri pamutemo apo tanzwa kubva kune vamwe vechidiki vekunedzimwe nyika nevamwe nengo dzehurumende yeAmerica," Muzvare Muzadzi vaudza Studio7.
Your browser doesn’t support HTML5