Mutevedzeri weMutungamiri weNyika VaChiwengaVanovhura Musangano weSADC Industrialization Week Vachikurudzira Kushanda Pamwe

Mutevedzri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga vachivhura musangano we7th SADC Industrial Week muHarare.

Nyika dzemudunhu rekuchambembe kweAfrica dzakurudzirwa kuwedzera kushanda kwadzo pamwe chete kuitira kuti dzivandudze hupfumi hwadzo. Mashoko aya ataurwa nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, Va Constantino Chiwenga, apo vavhura zviri pamutemo musangano we SADC Industrialization Week.

VaChiwenga vati nyika dzemuSADC dzinazvo zvose zvinodiwa kuti dzibudirire, nokudaro hadzifanirwe kutarisira rubatsiro rwekunze kuti dzibudirire.

“Nguva yasvika zvino yekuti tidade nezvatiri, timire tsika yekungotenga zvinhu kubva kune dzimwe nyika. Tinofanirawo kuita zvatinenge tataura zvinosimudzira hupfumi hwedu, kwete kungogona kunyora zvishuwo zvinonwisa mvura, zvatisingazozadzikisi. Ngatiwedzerei simba mukushandisa michina yechizvino-zvino kuitira kufambirana nepasi rese.”

Vachitaurawo pamusangano mumwewo, mukuru anomirira bhanga reAfrican Development Bank muZimbabwe, Muzvare Moona Mupotola, vati nyika dzemuSADC dzine mukana mukuru wekuti dzibudirire.

“Kana takatarisa remangwana apo nyika dzepasi rese dziri kukurudzirana kuchengetedza nharaunda kubudikidza nekushandisa mhando dzemoto dzakachena, dunhu reSADC rine mukana mukuru wekuwana mari zhinji sezvo riine zvicherwa zvinodiwa pakuita izvi. Parizvino, nyika dzedu dziri kuwana chouviri chinosvika zvikamu makumi mana kubva muzana (40%) chete, zvimwe makumi matanhatu kubva muzana (60%) zviri kuwanikwa nenyika dzekunze kwedunhu redu.”

Mukuru wesangano reZimbabwe National Chamber of Commerce, VaTapiwa Karoro, vatiwo musangano uyu wakakoshera Zimbabwe zvakanyanya.

“Zvinotibatsira pakuti muchasara mari zhinji munyika, sezvo vaenzi vedu vachadya muno, vagoshandisa mahotera edu emuno, uyezve vachavhakachira nzvimbo dzedu zhinji dzemuno. Zvekare, vemabhizimusi emuno vanokwanisa kupanganawo mazano nevanobva kunze, zvinogona kuvandudza mishando yavo. Zvakakoshawo kuti pamusangano uyu, pari kusangana vehurumende, masangano anoshanda akazvimirira nevemabhisimusi, kuitira kuti vaite muonera pamwe.”

Sachigaro wesangano raanamuzvinabhizimusi, reCEO Africa Roundtable, VaOswell Binha, vati kuti Zimbabwe ikwikwidzewo mudunhu reSADC, vemabhizimusi vanoda kubatsirwa zvakanyanya nehurumende.

Vamwe vevapinda mumusangano weSADC Industrial Week muHarare.

“Zimbabwe iri pakati penyika dzakawanda dziri mudunhu redu, zvinova zvinogona kuibatsira nekuti pese panofambiswa zvigadzirwa, zvinodarika nemunyika yedu, tichiwanawo chouviri. Chinongodiwa kuti paiswe mitemo yakanaka inoita kuti mabhizimusi edu asimukire. Kuitwa kwemusangano uyu kuchabatsirawo kuti panozouya vatungamiri venyika dzemudunhu rino, vanouya vachiudzwa naana muzvinabhizimusi, zviri kudikanwa kuti zviitwe, kuti dunhu redu risimukire.”

Nyanzvi inowongorora nyaya dzehupfumi hwenyika, zvekare vachidzidzisa pachikoro cheUniversity of Zimbabwe, VaAlbert Makochekanwa, vati kusvika SADC yabatana nemazvo, nyika dzemudunhu iri dzinogona kutadza kusimukira nenzira inonwisa mvura.

“Zvamunoona kunana Europe uko neUnited States of America, inyika dzakabatana dziine dozvo rimwechete, ndizvo hupfumi hwadzo hwakasimba. Zvimwechete zvikaitwa muSADC, nyika dzedu nekusiyana kwadzo, dzinogona kubatsirana kusimbaradza hupfumi hwadzo. Saka hwaro hweSADC Industrialization Summit, hwaro hwakanaka chose.”

African Development Bank inoti, SADC, zvisinei nekupfuma kwayo muzvicherwa nezvimwe zviwanikwa, ine zvikamu makumi matatu chete kubva muzana, muhupfumi hwedunhu rese reAfrica.

Musangano weSADC Industrialization week uyu, wakavambwa mugore ra2018, nedonzvo rekukurudzira kudyidzana kwemabhizimusi enyika dzekuchamhembe kweAfrica. Musangano uyu unoshandiswa mukugadzira hwaro hwekuzoitwa kwemusangano mukuru wevatungamiri venyika dziri muSADC, weSADC Heads of State Summit.

Gore rino musangano weSADC Heads of State Summit uri kuitirwa muZimbabwe mwedzi unouya, uye uchaona Zimbabwe ichipiwa jana rekuva sachigaro weSADC kwemwedzi gumi nemiviri inotevera.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Tobias Mudzingwa