Dzimwe Nyanzvi Mune zveHupfumi dzopesana neMuono weRBZ Wekuti Kushandiswa kweMari yeZiG muNyika Kwakwira

  • Jonga Kandemiiri

Vakawanda vanoti havasati vawana mukana wekubata kana kushandisa ZiG kubva zvayaparurwa.

Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti dzinopesana nemashoko akataurwa naGavhuna vebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn Mushayavanhu, ekuti kushandiswa kwemari yenyika yeZiG kwakwira kusvika kuzvikamu makumi matatu kubva muzana, dzichiti hadzisi kuona kuri kushandiswa mari iyi zvakanyanya kubva zvayakaparurwa muna Kubvumbi wegore rino.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano re Africa Centre for Economic Justice vari kuBritain, Muzvare Chenaimoyo Mutambasere, vanoti zvikamu zvemari yemunyika zvinonzi naVaMushayavanhu ndizvo zvave kushandiswa munyika pari zvino hazvienderane nemari yekunze yakanzi neRBZ ndiyo iri kutsigira ZiG pakaparurwa mari itsva iyi muna Kubvumbi.

Muzvare Mutambasere vanotiwo kubva mukutaura kwavanoita nevamwe vanhu vari munyika, zvinoratidza kuti veruzhinji havasati vatomboshandisa mari yeZiG iyi.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi ine muono wakasiyana newaVaMushayavanhu munyori wezvehupfumi mubato rinopikisa reMDC inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora, Doctor Tapiwa Mashakada.

Doctor Mashakada vanoti kana RBZ iri kuti mari yeZiG iri kushanda munyika yave kusvika kuzvikamu makumi matatu kubva muzana, vanofunga kuti vanenge vachingotarisa mihoro yevashandi vehurumende vanobhadharwa neZiG uye vanopiwa mabasa nehurumende avo vanobhadharwa zvakare nemari yemunyika sezvo vari ivo vanganzi ndivo vari kunyanya kushandisa ZiG.

Doctor Mashakada vanoti izvozvo chete zvinoratidza kuti mari yeZiG haisati yasvika kuvanhu, izvo zvinosiira hurumende neR-B-Z chitsvambe chikuru kwazvo.

Asi imwe nyanzvi mune zvehupfumi vari chipangamazano cheRBZ, VaPersistence Gwanyanya, vanoti hurumende iri kuita zvikuru mukuona kuti mari yemunyika iyi yasvika kuvanhu vose vari kuchema kuti havasati vaibata ava.

VaMushayavanhu vakati kushandiswa kwemari yemunyika uku kwakakwira nezvikamu zana kubva muzana kana zvichienzaniswa nezvikamu gumi nezvishanu kubva muzana zvekushandiswa kwayaiitwa muna Kubvumbi.

Vamwe vanoongorora zvehupfumi vanotiwo vanopokana nemashoko ehurumende ekuti ZiG yaramba yakadzikama zvaparadza musika mutema, vachiti musika mutema uchiriko uye dhora rekuAmerica riri kutotengwa nemaZiG makumi maviri nerimwe kana kudarika.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya yezvehupfumi ina Jonga Kandemiiri