ZACC Yopomera VaChimombe naVaMpofu Dzimwe Mhosva dzeHuori Vachinzi Vakabira Kanzuru yeHarare

VaMike Chimombe naVaMoses Mpofu

Vanamuzvinabhizimusi vari muhusungwa nemhosva yehuwori, VaMike Chimombe naVaMoses Mpofu, vamiswa zvakare pamberi pedare vachipomerwa imwe mhosva itsva yekuita zvehuwori.

Kambani yevaviri ava inonzi Juluka Enndo Joint Venture mukana wekuti iise magetsi mumigwagwa yemuguta reHarare zvichitevera kusungwa kwavaitwa nhasi nekomisheni inorwisana nehuwori munyika yeZimbabwe Anti-Corruption Commission (ZACC).

Mumashoko ayo kuvatori venhau ZACC yati vaviri ava avo vari kujeri uko vakamirira kutongwa nemhosva yekudya mamiriyoni emadhora ekuAmerica echirongwa chemutungamiri wenyika chekuwanisa varombo kumaruwa mbudzi, kana kuti Presidential Goat Scheme.

Vanonzi vakapiwa basa nekanzuru yeHarare rekuti vagadzire magetsi emumigwagwa yemuguta muna Chivabvu gore rino vachishandisa magwaro ekunyepa izvo zvakaita kuti vapihwe basa rinokosha mamiriyoni mapfumbamwe nezviuru mazana maviri zvemadhora ekuAmerica.

ZACC yatiwo magwaro akashandiswa nevaviri ava aityora mitemo yezvekutengwa kwezvinhu nemakambani ari pasi pehurumende kana makanzura, kana kuti muChirungu Public Procurement of Public Assets General Regulations.

Yatiwo kambani yavo yaive yambonyimwa basa iri mushure mekunge zvaonekwa nekomiti yaishara vekupa basa kuti yakanga isina kukodzera, asi ikazoripihwa yashandisa mamwe magwaro ainge amborambwa zvakare nekanzuru yeHarare.

Gweta revaviri ava, Advocate Tapson Dzvetero, vati, "Tiri kupikisa kuti vamiswe pamberi pedare ndicho chikumbiro chatichakwidza kudare." Vatizve, "Vari kupomerwa mhosva yehuwori nekushandisa magwaro emanyepo, ndomhosva yavari kusangano nayo.”

Mejisititiriti Marehwanazvo Gofa, avo vari kunzwa nyaya yevaviri ava yembudzi, ndivo vari kutarisirwa kunzwa nyaya yavo yehuwori hwavanonzi vzkaita mukanzuru. Asi vaviri ava vari kuramba kuti nyaya dzavo dzose dziri mbiri dzinzwikwe nemutongi mumwechete.

Mabharani wekanzuru yeHarare, VaHosiah Chisango nemukuru anoona nezvekupihwa kwematenda mukanzuru, VaArtwell Mandaza, avo vakasungwa svondo rapfuura pamusoro penyaya iyi, vanziwo nedare ramajisititiriti vadzoke zvakare kudare musi wa 2 Nyamavhuvhu apo pachaturwa mutongo pachikumbiro chavo chekuti vabhadhare mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kudzimba dzavo.

VaChisangano naVaMandaza vari kupomerwa mhosva yekushandisa zvigaro zvavo pabasa kupa kambani yaVaChimombe naVaMpofu basa asi iyo yainge isingakodzeri.

Tabvunza meya VeHarare, VaJacob Mafume, kuti zvinofambiswa sei pakupiwa kunoitwa mabasa nekanzuru kumakambani anenge asingakodzeri sezvakaitika apa. VaMafume vati, “Saka nyaya idzi dzinogona kudarika vanhu vasina kumboona kuti chii chaitika voinda mberi nekupa tenda."

Vatizve, "Kazhinji kazhinji dzimwe nhambo kambani yapihwa tenda inogona kuita basa racho iyo yange isingafanirwi kupihwa.”

Vaenderera mberi vachiti makanzura akabviswa nehurumende pakupihwa kwematenda vachinzi vanoita zvehuwori nekudaro havatomboziva kuti matenda anopihwa sei nevashandi vekanzuru.

Zvichakadai, vamwe vagari vemuHarare varatidza kufara nekusungwa kwevashandi vekanzuru nemakambani anonzi ari kuita zvehuwori vachiti izvi ndizvo zviri kuita kuti kanzuru itadze kuita basa rayo nemazvo.

Mukuru werimwe sangano rinomirira vagari vemuHarare, reCombined Harare Residents Associations, VaReuben Akili, vaudza Studio 7 kuti ZACC inofanira kuenderera mberi nekuongorora kuti matenda ese ari kupihwa sei vachiti muri kuitika huwori hunotyisa mukunzuru.

VaAkili vati, “Chikumbiro chedu kuZACC kuti dai yavavarira kana kusimbisa donzvo rekurwisa nekudzura huwori hwange hwadzika midzi muguta reHarare kunyanya mafambisirwo anoitwa basa.”

Garwo raAuditor-General regore rapfuura rinoratidza kuti mukanzuru nemapazi ehurumende mune huori hwakanyanya.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya