Vakawanda Vanoti Havasi Kunyatsoona Kushanda kweZvikopokopo Zvakatengwa kuRussia

Veruzhinji munyika vari kugunun’una kuti zvikopokopo zvakatengwa nehurumende kuRussia gore rapfuura hazvina zvazviri kubatsira nyika nekuti havasi kuzviona zvichishanda. Asi hurumende yazivisa nhasi kuti zvikopoko izvi zvichatanga kushanda mwedzi uno.

Hurumende yakatenga zvikopokopo izvi nemari inodarika inodarika mazana matatu emamiriyoni emadhora asi veruzhinji hhhavasi kuona zviri kuitwa nezvikopokopo izvi.

Mutauriri wesangano rreCrisis In Zimbabwe Coalition, VaMarvelous Khumalo ,vanoti hurumende inofanira kutenga zvinhu zvinobatsira kana kusimudzira veruzhinji.

Vati havasati vaoona zvikopokopo izvi zvichashanda basa razvakanzi zvichaita sekutakura varwere, kushandiswa nemapurisa pamwe nekubatsira panguva dzematamutambudziko akaaita semafashamu.

“Kureva kuti zvikopokopo izvi zvakangogara hazvisi kushanda zvatakane tataurirwa saka izvozvo zvinodzoka zvotambudza mukati mavanhu maringe nezvinenge zvichikosheswa nehurumende.”

Vanoongorora nyaya dzemagariro akanaka evanhu vachishanda nesangano reZimbabwe Networt for Social Justice, VaTendai Ruben Mbofana, vaudza Studio 7 kuti zvinorwadza kuti vanhu vanotambura kuenda kuzvipatara vaita tsaona mumigwagwa asi zvikopokop izvi zvisiri kuita basa razvakatengerwa.

“Zvakambonzi vanodzichaira vari kutonbodzidziswa basa nezvimwe zvakadaro asi tinotoona kuti itsanangudzo dzisina musoro wese. Zimbabwe ine vachairi vezvikopokopo vakawandisa hapana chinoshamisira pazvikopokopo zvakatengwa kuRussia.”

Asi vachaitaura muHarare nhasi gurukota rinoona nezvehutano nekuchengetdzwa zvakanaka kwevana, Doctor Douglas Mombeshora, vati zvikopokopo izvi zvatanga kushanda vachiti zvakatora nguva kuti zvishande sezvo vachairi vendenge idzi nevarapi vange vari kudzidziswa kushandisa ndege idzi.

“Tiri kuda kutanga nemaviri, patirikuita musangano weSADC tinenge tave nemaviri ari kushanda tozoisa mamwe maviri kuBulawayo tozoisa imwe kwaMutare imwe KuVictoria Falls. Saka takadziisa kuti tione kuti nyika yese inenge ichikwanisa kubatsirwa.”

Vaenderera mberi vachiti vanhu vachange vachibatsirwa nezvikopokopo izvi pachena.

“Zvikopokopo izvi zvichabatsira munhu wese muZimbabwe kwete kuti vane mari chete uyezve kana watakurwa uri panjodzi ukasvitswa kuchipatara unobva warapwa pachena.”

Vachitaura pamusoro pezvikopokopo izvi, mumiriri weRusssia muZimbabwe, VaNikolai Krasilnikov, vati nyika yavo ine hushamwari hwakadzama uye iri kubatsira Zimbabwe kuti ishandise maamburenzi emuchadenga kana kuti Zimbabwe National Air Ambulance Services.

“Uye kana chirongwa ichi chikabudirira chinenge chabatsira hurongwa hwehurumende hwebudiriro yeZimbabwe hweNational Development Goals.”

Vati kana chirongwa ichi chikabudirira muZimbabwe chichatangwawo mune dzimwe nyika dzemuSADC.

Vanoongorora nyaya dzehupfumi uye vakamboshanda kubazi rezvemari, VaMasimba Manyanya, vaudza Studio 7 kuti zvinosuwisa kuti hurumende iri kushandisa mari yakawanda ichida kuratidza vekunze kuti yakarongeka asi iyo isina.

Vanoti havawoni hurumende ichikwanisa kushandisa zvikopokopo izvi emuchadenga nekuti zvinoda mari yakawanda.

“Zvekushandisa ndege izvi nemari inodiwa kushandisa ndege dzacho, handioni zvakakodzera panguva ino nyika inoda kuvandudza hupfumi kuti ideredze chikwereti pamwe nekuwanisa mari nemabasa.”

Gore rapfuura hurumende yakabatana nehurumende yeRussia yakatenga zvikopokokopo kubva kukambani yekuRussia yeRostec muchihwande pasina kuitwa tenda izvo zvakatsoropodzwa neveruzhinji.

Zvikopookopo gumi nezvisere zvatove munyika. Zimbabwe inonzi yakatenga zvikopokop makumi matatu nezviviri uye zvikopokopo zvese izvi zvinotarisirwa kunge zvave munyika gore rinouya risati rapera.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya