United Nations Yoshora Kusungwa kweVanorwira Kodzero dzeVanhu muNyika

Namatai Kwekweza.

Nhumwa yeUnited Nations panyaya yevanorwira kodzero dzevanhu kana kuti UN Special rapporteur on Human Rights Defenders Amai Mary Lawlor vakurudzira hurumende yeZimbabwe kuti isungunure Muzvare Namatai Kwekweza, VaRobson Chere nevamwe vose vakasungwa nemapurisa nezuro.

Vachinyora padandemutande ravo reX, Amai Lawlor vati, "Namatai Kwekweza naRobson Chere vakasungwa nezuro, vakambochengetedzwa zvisiri pamutemo uye mumwe wavo akarohwa zvakaipisira ari muhusungwa."

Vatiwo, "Namatai akatishanyira kupera gore rapera pamusangano wevechidiki vanorwira kodzero dzevanhu. Musikana wechidiki anokwanisa kusimudzira vamwe nemabasa ake. Vese vanofanira kusungunurwa."

Pane mashoko ekuti VaChere vakaitwa kafiramberi mushure mekuburitswa mundege zvine chisimba panhandare yeRobert Gabriel Mugabe International nezuro pamwe naMuzvare Kwekweza naVaVusimusi Moyo nakanzura Samuel Gwenzi.

Mapurisa akasungawo dzimwe nhengo gumi neina dzebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change kuKariba mushure mekuratidzira murunyararo kuti nhengo dzebato ravo dzinodarika makumi manomwe dziri muhusungwa kubva musi wa 16 Chikumi dzisungunurwe.

Gurukota rinoona nezvemukati menyika VaKazembe Kazembe vaudza vatori venhau muHarare nhasi kuti vane humbowo hwekuti pane vamwe vari kuda kukonzera kusagazikana munyika uye vane mazita avo.

Asi vaimbotungamira bato reCCC VaNelson Chamisa vashora zvikutu kwavati kumbunyikizwa kwevanopikisa. Vati izvi zvinoratidza pachena kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakabirira sarudzo gore rapera zvopa kuyi vatye chati kwatara.