Vamwe muNyika Voshushikana neKukwira kweZviitiko zveKusungwa neKushungurudzwa kweVanhu Pamberi peMusangano weSADC

  • Jonga Kandemiiri

Hurumende yakatoyambira kare kuti icharanga vachada kukanganisa musangano weSADC.

Vakuru vanoti chakupa ronda chati nhunzi dzikudye.

Izvi ndizvo zvinonzi nevamwe vanorwira kodzero dzevanhu munyika pamwe nevanopikisa hurumende zvave kuitika kuvana veZimbabwe zvichitevera ravanoti dambudziko rekusungwa, kushungurudzwa pamwe nekutyorerwa kodzero zvavanoti zvakonzerwa nekuunzwa kwemusangano weSADC munyika mwedzi unouya.

Vanoti mapurisa nevasori vari kuenderera mberi nekusunga varwiri vekodzero dzevanhu pamwe nevanopikisa pamberi pemusangano weSADC uyu zvichitevera kusungwa kwevanhu gumi nevatatu kuKariba nemumwe chete muBulawayo nemusi weChina.

Izvi zviri kuuya mushure mekusungwa kwevamwe variwi vekodzero dzevanhu vana (4) muHarare neChitatu pamusoro pevamwe makumi manomwe nevapfumbamwe vakasungwa muHarare mwedzi wapera, avo vachiri muhusungwa.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, gurukota rezvemukati menyika, VaKazembe Kazembe, pamwe nevamwe vakuru muhurumende nemuZanu PF pasina kupa humbowo, vari kuti pane vanhu vari kuda kukanganisa musangano weSADC uyu.

VaMnangagwa naVaKazembe vakatoyambira vavanoti vari kuda kukanganisa musangano uyu kuti vachashandisirwa mutemo wenyika pakuvaranga.

Vanoongorora zvematongero enyika vachidzidzisa paTswane University of Technology, Muzvinafundo Ricky Munyaradzi Mukonza, vanoti zviri kuitika izvi ndizvo zvinotosvibisa zita renyika pamberi pevaenzi.

Muzvinafundo Mukonza vanoti pagara paine nyunyuto kubva kune vamwe vana veZimbabwe zvichitevera sarudzo dzegore rapera, idzo dzinonzi hadzina kufambiswa zvakanaka.

Vanoti chinofanirwa kuitwa nevana veZimbabwe kugara pasi voonesana pavari kupesana, votsvaga nzira dzekuti zvingadziriswa sei?

Asi nhengo yeZanu PF mudunhu reGoromonzi, kuMashonaland East, VaPhilemon Gore, vanoti chinhu chinozivikanwa nemwana weZimbabwe wese kuti kana mwana akapinimidza muswe pane vaenzi mai havaregi kumusunya nzeve, nekudaro hurumende icharanga vose vacharasa muswe pamberi pevaenzi.

VaGore vanoti yagara iri tsika yavo vanopikisa hurumende yekungoshora chese chakanaka chinenge chaitwa nehurumende vachiti hurumende yaVaMnangagwa iri kufadza vana veZimbabwe, nekudaro haingadoserwe shure nevaviri vajaira kungoshoropodza.

Panyaya yekuti vanhu vagare pasi vataurirane zvinetswa zviri munyika, VaGore vanoti havaoni paine chikonzero chekuti hurumende igare pasi nevanhu vasina chavanotiwo ichi chakanaka.

VaMnangagwa vari kutarisirwa kutambidzwa husachigaro hwesangano SADC kwemwedzi gumi nemiviri inotevera.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Ricky Munyaradzi Mukonza naVaPhilemon Gore