Chimwe Chirwara cheZimbabwe Chofadzwa neChirongwa cheMandela Washington Fellowship (YALI)

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Samson Muzenda -YALI Fellow

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chino shandira kumaruva nevechidiki pasi pesangano re Tariro Youth Development Trust VaSamson Muzenda vanoti vari kufadzwa nekuva mumwe weavo vakakwanisa kusarudzwa kuve muchirongwa cheMandela Washington Fellowship for Young African Leaders (YALI) icho chinokokerwa nehurumende yeAmerica.

VaMuzenda vanoti vari kushanda nemamwe masangano ekuAmerica muzvirongwa zvavari kuita zvekubatsira vechidiki mukurwira kodzero dzavo munyaya dzezve hutano nezvimwe vari kuZaka kuMasvingo.

Chirongwa cheYALI ichi chakatangwa nevaimbove mutungamiri wenyika yeAmerica VaBarrack Obama. Chirongwa chegore rino chakapetwa zviri pamutemo nezuro muguta reWashington DC.

VaMuzenda vanoti parizvino vari kushanda nevechidiki vekumaruva ekuZAKA vaudza Studio 7 kuti, "Ndakakwanisa kuwana hunyanzvi huchandibatsira zvikuru mumabasa anondinobata mukushanda nevechidiki kuZaka.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaSamson Muzenda