Vanhu Makumi Matatu neVatatu (33) Vasungwa Mumazuva Maviri Adarika Pamberi peMusangano weSADC

Vanhu vanosvika makumi matatu nevatatu vasungwa nemapurisa mukati memazuva maviri adarika vamwe vachiitwa kafiramberi pamberi pemusangano weSADC uri kuitirwa mHarare mwedzi uno.

Zimbabwe yave kushorwa zvakanyanya nenyika dzakawanda ichipomerwa mhosva yekumbunyikidza kodzero dzevanhu.

Nhasi mapurisa asunga mutungamiri webato rinopikisa reTransform Zimbabwe VaJacob Ngarivhume, mutungamiri werimwe sangano revadzidzi reZINASU VaEmmanuel Sitima.

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinotiwo vanhu gumi nemumwe vasungwawo kwaMutare vachipomerwa mhosva yekuronga kuita mhirizhonga. Bishop Kevin Nyamakange vasungwawo pamba pavo.

KuKariba kwakasungwa vanhu gumi nevana nezuro uye kuBulawayo kwakasungwa kanzura mumwe chete.

Kunyangwe vanopikisa vari kuti munyika maberekera ingwe, mapurisa aburitsa mashoko kuvatori venhau achiti vanhu havasi kurambidzwa kuita musangano pamberi pemusangano mukuru weSADC. Asi vanopikisa vanoti mashoko emapurisa ndeekuda kubata vanhu kumeso sezvo pasina ari kubvumidzwa kuita musangano.

Gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe vakaudza vatori venhau muHarare nezuro kuti vanopikisa vari kuda kushora misangano weSADC.

Kusungwa, kupambwa nekuitwa kafiramberi kwevanhu munyika kwashorwa zvikuru nehurumende yeAmerica, Britain, United Nations uye masangano anorwira kodzero dzevanhu akaita seAmnestry International.

Mutauriri wesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights VaKumbirai Mafunda vaudza Studio 7 kuti zviri kuitwakungoda kutyisidzira vanhu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKumbirai Mafunda