Munyori mukuru wesangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe VaRobson Chere vanogona kunge vakakuvadzwa itsvo apo vaiitwa kafiramberi nevanofungidzirwa kuti vasori.
Gweta ravo VaKelvin Kabaya vanoshanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights vaudza Studio 7 kuti, “Takatokumbira kuti VaChere vaendeswe kuchipatara nekuti itsvo dzavo dzinogona kuzazoshanda vakasarapwa nechimbichimbi.”
Vaenderera mberi vachiti, “Taida kuti VaChere vaonekwe navanachiremba vavo kunyangwe matare ari kuti vaonekwe nevemajeri. Tatumirawo vanachiremba vavo kuti vaende kunovaona nekuti tiri kutyira kutano hwavo.”
VaChere cakasungwa vachienda kuVictoria Falls vaina Muzvare Namatai Kwekweza, kanzura VaSamuel Gwenzi naVaVusimusi Sibanda vakapambwa mundege panhandare yeRobert Gabriel Mugabe International nevanofungidzirwa kuti vasori nemusi weChitatu vakanoitwa vakarohwanvasati vaendeswa kukamba yemapurisa yeHarare Central.
Vanonzi vairohwa nesimbi uye zvimiti. VaChere vanonzi vakadzurwa mhotsi dziri mumusoro vachinyudzwa mumvura. Vakaudzwa kuti mudzimai wavo nevana vachabatwa chibharo sezvo vachizivikanwa kwavari.
Nyaya yekusungwa kwevanopikisa pamberi pemusangano weSADC iri kushorwa nevakawanda kusanganisira sangano reWorld Council of Churches riri kukurudzira kuti vasungunurwe. Vanhu vanodarika zana vasungwa nemapurisa ari kuti pane vari kuda kuratidzira pamberi pemusangano weSADC.
Asi VaKabaya vati kuratidzira kana kuendesa tsamba yenyunyuto ikodzero iri mubumbiro remitemo renyika. Bato reDemocratic Alliance riri muhurumende yemubatanidzwa neANC riri kukurudzira SADC kuti inoitira musangano uyu kune imwe nyika nekuti muZimbabwe maberekera ingwe.
Hatina kukwanisa kubata mukuru weSADC VaElias Magose sezvo vanzi vange vakabatikana.