Mumiriri weHwange Central , VaMolokele, Vanobvunzurudzwa neMatikitivha Vachinzi Vari Kuronga Kuratidzira paMusangano weSADC

  • Jonga Kandemiiri

VaDaniel Molokele (vari pakati).

Mumiriri weHwange Central muparamende, VaDaniel Molokele, vebato rinopikisa reCCC, vanoti neSvondo vakamboshevedzwa nemapurisa epaHwange Central Police Station vachibvunzurudzwa nematikitivha edivi reLaw and Order vachinzi vari kuronga kuratidzira pamberi pemusangano weSADC uri kuitwa mwedzi uno.

Vashevedzwa pamwe chete nakanzura weHwange, Councillor Ellen Zulu.

VaMolokele, avo vanoti vabvunzurudzwa kwemaawa anoda kusvika maviri, vanoti mapurisa aya avaudza kuti pane runyerekupe rwekuti vari kuronga kuendesa vanhu nemabhazi kuHarare kuti vanoratidzira munguva yeSADC.

Asi vanoti varamba mashoko aya vachiti havana ruzivo nezvehurongwa uhu. Vanoti vazoregwa vachienda kumba kwavo asi vakomekedzwa zvakasimba nemapurisa aya kuti vasapinda mukuratidzira kana kuronga kuratidzira.

VaMolokele vanotiwo vari kushushikana kuti vanhu vari kuramba vachingosungwa nemapurisa pasina humbowo hwekuti vari kuronga kuratidzira kuri kutaurwa nezvako uku.

Mapurisa ekuHwange kwakare anonzi akasunga vamwe vanhu neMugovera, uye vamwe vakashevedzwawo kunobvunzurudzwa.

Kusungwa nekushurungurudzwa kwevanopikisa pamwe nevemasangano akazvimirira uku kunonzi kuri kuenderera mberi vanhu vachisungwa zuva nezuva, hurumende ichiti ine humbowo hwekuti vari kuronga kuratidzira pamberi pemusangano weSADC uyu, kunyange hazvo ichinzi haina humbowo hwayati yaburitsa.

Vanhu vanodarika makumi matatu nvanonzi vakasungwa nemapurisa mukati memazuva matatu adarika, vamwe vachiitwa kafiramberi

Kushungurudzwa kwevanhu uku kunonziwo kuri kushorwa zvakanyanya nenyika dzakawanda pamwe nemasangano akawanda anorwira kodzero dzevanhu, vachipomerwa Zimbabwe mhosva yekumbunyikidza kodzero dzevanhu.

Tabata mutauriri wemapurisa nyika yose, Commissioner Paul Nyathi, kuti tinzwe divi remapurisa panyaya iyi asi vati tivabate neMuvhuro.

Murongi wemisangano muboka revechidiki muZanau PF, VaTaurayi Kandishaya, vanoti vazvijaira zvekuti kana paine misangano mikuru kana makungano makuru munyika vanopikisa vanoita zvakasiyanasiyana zvekuda kusvibisa zita renyika.

Vanoti mapurisa nehurumende vakagadzirira kuchwengetedza runyararo munyika, vachiti vari kusungwa nemapurisa vanenge vaine mhosva dzavari kupara.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTaurai Kandishaya