Sangano reARTUZ Rinoti Mutungamiri Waro, VaMasararure, Vari Kutsvagwa neVanofungidzirwa Kuti Vasori

  • Jonga Kandemiiri

VaObert Masaraure, mutungamiri weAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe.

Sangano rinomirira varairidzi vekumaruwa, reAmalagamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe, ARTUZ, rinoti mutungamiri waro, VaObert Msaraure, vari kuteveredzwa nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori vari kufamba nemotokari dzisina manhamba.

Mutevedzeri wemunyori wesangano iri, VaMunyaradzi Masiyiwa, vanoti motokari idzi dziri kuonekwa dzichitenderera pedyo nepamba paVaMasaraure muHarare, izvo zvave kuita kuti vatyire hupenyu hwavo.

Izvi zviri kuuya panguva iyo munyori wesangano iri, VaRobson Chere, vari muhusungwa mushure mekuvhomorwa mundege nemusi weChina nevanofungidzirwa kuti vasori, avo vanonzi vakavaita kafiramberi vasati vavapa mumaoko emapurisa.

Taedza kubata mutauriri wemapurisa nyika yose, Commissioner Paul Nyathi, kuti tinzwe divi remapurisa panyaya iyi asi vati tivabate neMuvhuro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMunyaradzi Masiyiwa