Charamba naMakarawu Votarisirwa Kusimudza Mureza weNyika kuParis Olympics Nhasi

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Makanakaishe Charamba

Sangano re Zimbabwe Olympics Committee rinoti vamhanyi vemakwikwi e200 meters Makanakaishe Charamba naTapiwa Makarawu vanomhanya 200meters vari kutarisirwa kupinda mumakwikwi avo nhasi ichavapa mukana wekupinda muma finals eParis 2024 Olympics kana vakakunda.

Vari kutungamira Zimbabwe kumakwikwi aya VaRingisai Mapondera vesangano re Zimbabwe Olympic Committee vari kukurudzira veruzhinji kuti vabatane pasi rose mukutsigira vamhanyi ava. Vanoti zvakakosha kuti vanoshandisa dandemutange reinternet vavatsigire nekuvatumira mashoko ekuvasimbisa.

VaMapondera vati, "Tiri kutarisira kuti vachamhanya zvakanaka kuti vawanewo mukana wekuti vatorewo menhundu mumakwikwi aya."