Vashanyi Vaviri Kubva kuUganda neCzech Republic Vakasungwa kuMasvingo Vopikisa Kunyimwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso

Gweta revashanyi vaviri vakasungwa kuMasvingo vanoti Lucas Slavik wekuCzech Republic na Tom Ssekamwa vekuUganda rinoti rave kugadzirira kuenda kuenda kudare repamusoro kunokwikwidza kunyimwa kwavakaitwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nezuro.

Gweta revaviri ava, VaKnowledge Mabvure vanova nhengo yesangano remagweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights vaudza Studio 7 kuti vabhadhara mari inodiwa kuti vapihwe magwaro anodiwa kudare repamusoro reHigh Court.

Slavik anonzi aida kupesvedzera mhirizhonga nekuti munyika nekuti munyika muri kudzimwa magetsi nekushaikwawo kwemvura.Ssekamwa anonzi akasungwa pasi pemutemo weCensorship and Entertainment Act nekufamba nechidhori chekuitisa bonde.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKnowledge Mabvure