Charamba naMakarawu vekuZimbabwe Vapinda Mufainari ye200 Meters kuParis Olympics

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Makanakaishe Charamba

Sangano re Zimbabwe Olympics Committee rinoti riri kufara nemanhanyiro aita vamhanyi vemakwikwi e200 meters Makanakaishe Charamba naTapiwa Makarawu vanomhanya 200meters avo vakwanisa kuwamukana wekupinda muma finals eParis 2024 Olympics pava mhanya nhasi.

Tapiwa Makarawu

Vari kutungamira Zimbabwe kumakwikwi aya VaRingisai Mapondera vanoti aka ndekekutanga izvi zvichiitika mumujahwo weTrack and Field uye vane tarisiro yekuti vaviri ava vachakwanisa kutora mendhuru.

VaMapondera vati, "Tafadzwa zvikuru sesangano rinomirira vemitambo vari mumakwikwi aya, uye tine vimbo kuti vachadadisa nyika mumijahwo wavo wekupedzisira nekuhwina mamenduru." Va Mapondera vaudza Studio7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRingisai Mapondera