Kunonoka Kucherwa kweZvibhorani Zvakavimbiswa naVaMnangagwa Kopa Kuti Vakawanda Kumaruwa Vanetseke neMvura

Kunyangwe mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakavimbisa kuchera zvibhorani mumatunhu ose pavaitsvaga rutsigiro, kunonoka kuita izvi kwave kupa kuti vanhu vakawanda kumaruwa vafambe nzendo refu vachinotsvaga mvura. Izvi zvave kukanganisawo zvipfuyo zvavo.

Muna 2022, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakaparura chirongwa chekucherera vanhu zvibhorano kana kuti Presidential Borehole Drilling Scheme vachivimbisa kuchera zvibhorani zviuru makumi matatu nemashanu kana kuti 35 000 kusvika gore rinouya.

Asi kusvika parizvino, zvibhorani zvinosvika zviuru gumi kana kuti 10, 000 ndizvo zviri kutarisirwa kunge zvacherwa panopera gore rino kunyangwe vakawanda vari kuti muromo hauzarirwe nerwizi.
Kunonoka kucherwa kwezvibhorani uku kwave kupa kuti vagari vakaita saAmai Mirirai Zunhumbu vanogara kwaZvimba mudunhu reMashonaland West vapedze nguva yakareba vachitsvaga mvura.

“Kwatinowana mvura pane mufambo zvekuti nguva yedu yakawanda tave kuipedza tichitsvaka mvura” Amai Zinhumbu vaudza Studio 7.

Amai Zinhumbu vanoti dambudziko remvura rave kuwedzerwa nekuti zvipfuyo zvavo zvinenge zvichidawo kunwa. Vaudza Studio 7 kuti, “Handiti muri kuona mombe idzi dziri kutonwawo pachibhorani pano."

Amai Mavis Chaka vanoti ,“Zvibhorani zvishoma zvikuru, panoda kucherwa zvimwe kana dzimwe nzira dzinoita kuti tiwane mvura”

VaPatrick Mangani vekuZhombe mudunhu reMidlands vanoti vave kupawo mombe dzavo mvura pazvibhorani zvichiri kubuda mvura.

“Mombe hadzichina kwekunwa mvura sezvo nzizi dzakapwa mvura, dzave kutonwa pazvibhorani “VaMangani vanotsanangurawo.

Asi Mambo Nembire, VaClemence Nembire vanoti nzvimbo yavo iri kubatsirwa nemasangano akazvimirira anovacherera zvibhorani.

“Nyaya yemvura iri kubatwa nekuti pane masangano ari kuti yamura nekuchera zvibhorani kunzvimbo medu”Mambo Nembire vanozivisa.

Gurukota rinoona nezvekurima Doctor Anxious Masuka vanoti mombe zviuru gumi dzafa kubva muna 2023 kusvika gore rino zvikuru kuMatabeleland North neMatabeleland South nenyaya yekushaya mvura. Nzvimbo dzanyanya kusangana nedambudziko iri dzinoti Tsholotsho, Binga, Mangwe neBulilima. Mhuka dzemusango dziri kuitawo dambudziko rekushaya mvura zvopa kuti pave nekunetsana pakati pevanhu nemhuka.

Mukuru mubazi reZimbabwe National Water Authority -Zinwa-Engenner Wonder Mutsago vari kuona nezvekucherwa kwezvibhorani mudunhu reMashonaland West vanoti parizvino kwacherwa zvibhorani mazana maviri ne gumi kana kuti 210 kunyange vari kutarisira kuti pange pacherwa zvibhorani zviviri paward yega yega mukupera kwegore rino.

Engineer Mutsago vanoti , “Tachera zvibhorani mazana maviri negumi asi makumi matanhatu chete ndizvo zviri kubuda mvura nekudaro iye zvino tiri kugadzirisa moto wezuva kuti zvishande”

Munyori mukuru mubazi rezvekurima Muzvinafundo Obert Jiri vanoti havana huwandu hwezvibhorani zvacherwa munyika yose sezvo vasati vawana huwandu kubva kumatunhu ose.

Gwaro rinoratidza mamiriro akaita zvinhu munyika reZimbabwe Livelihoods Assessment Committee-ZimLac- rinoburitsa pachena kuti vanhu zvikamu gumi nezvishanu kubva muzana kana kuti 15% vanofamba rwendo rinosvika kana kudarika kiromita kusvika panowanikwa mvura.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Nunurai Jena