Kusungwa kweVanhu Pamberi peMusangano weSADC Kopararira kuMasvingo

Sangano remagweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti vanhu vachiri kuenderera mberi nekusungwa pamberi pemusangano weSADC uri kuitirwa muHarare musi wa17 Nyamavhuvhu.

Izvi zvinotevera kusungwa kwaVaCalvin Muvheyi kuMasvingo vachinzi vaida kupesvedzera vanhu kuti varatidzira pachaitwa musangano weSADC musi wa 17 Nyamavhuvhu muHarare.

Magweta anorwira kodzero dzevanhu pasi rose anoti reAmnesty International neHuman Rights Watch anoti vanhu zana nemakumi matanhatu nemumwe vasungwa kubva pakutanga kwemwedzi wapera pakatanga gadziriro yemusangano weSADC.

Gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi varamba kuti vanhu vari kungokandwa mujeri vachiti kana vanhu vasina mhosva zvinoturwa nematare.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaZiyambi Ziyambi

Vaimbova mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa vashora nyaya yekusungwa kwevanhu uye kwavatiwo kudawo kurambira pachigaro kwemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaNelson Chamisa

Asi VaMnangagwa vanoti havo vachasiya chigaro muna 2028 kunyangwe vamwe mubato ravo vari kuti varambe vari panyanga. Vakasungwa parizvino vanosanganisira