Amai Harris naVaTrump Vosimbaradza Kutsvaga Rutsigiro Sezvo Sarudzo Yaswedera

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Apo vanoongorora nyaya dzesarudzo vari kuti ave mangange pakati pemutevedzeri wemutungamiri wenyika amai Kamala Harris vebato remaDemocrats nevavari kukwikwidzana navo vaimbova mutungamiti wenyika VaDonald Trump vebato remaRepublicans, vaviri ava nevatevedzeri vavo vari kusimbaradza nyaya yekutsvaga rutsigiro nemari.

Mutevedzeri waVaTrump, Senator J.D. Vance vekuOhio nhasi vanenge vari kuMichigan. Mutevedzeri waAmai Harris, gavhuna Tim Walz vekuMinnesota vave kutangawo kutsvaga rutsigiro vari vega.

VaWalz nezuro vakaita musangano kuLos Angeles, Califonia. Nhasi vachaenda kuColarado neBoston.

VaTrump vachange vachitsvagawo rutsigiro kuNorth Carolina nhasi. Amai Harris vachaendawo kudunhu iri nemusi weChishanu kunoparura hurongwa hwavo hwehupfumi.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzosa paDevry University kuOhio muzvinafundo Elliot Masocha vanoti kutsvangwa kwerutsigiro kwegore rino kuchange kuchinakidza sezvo vaviri vari kukwikwidza musarudzo dzegore rino vari kutatsurana zvakaipisisa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Elliot Masocha