VeMasiya Tournament Vanowedzera Bhora reMaoko paMakwikwi Avanoita muZvikoro kwaGutu

  • Jonga Kandemiiri

Makwikwi eMasiya Tournament enhabvu yemuzvikoro zvekwaGutu.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, tine hurukuro naVaJonah Masiya vanogara mudunhu reWest Virginia muAmerica, avo vane makwikwi ebhora muzvikoro zvesekendari eMasiya Tournament.

Makwikwi aya anoitwa gore negore kumusha kwaVaMasiya kwaMagombedze kwaGutu mudunhu reMasvingo.

VaMasiya vakaparura makwikwi aya muna 2016 vachitanga nenhabvu yevanhurume, gore rino vakazoakudza nekuwedzera bhora remadzimai remaoko, kana kuti netball.

Gore rino vaMasiya vakaisawo makwikwi ebhora remaoko revasikana.

Muna 2020 vakambomanikidzwa kumbosendeka parutivi makwikwi aya nekuda kwedenda reCovid-19, asi vakazoamutsiridza zvakare gore rapera mushure mekuderera kwekupararira kwedenda iri.

Gore rino zvikoro zvishanu zvesekendari zvinoti Magombedze, Chitsa, Gomba, Ruti neGudza ndizvo zvakapinda mumakwikwi ebhora revakomana zvese nerevasikana.

Chimwe chezvikwata zvakapinda muMasiya Tournament.

Chikoro cheRuti ndicho chakatora mikombe yose yebhora revakomana nerevasikana.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJonah Masiya