Botswana Yave neMutemo Unobvumidza Zvizvarwa Zvayo Kuita Mamwe Magwaro eImwe Nyika 'Dual Citizenship'

Mutungamiri wenyika yeBotswana VaMokgweetsi Masisi

Botswana yava nemutemo unobvumidza zvizvarwa zvayo kuti zvive zvizvarwa zvedzimwe nyika, kana kuti dual citizenship.

Mutemo mutsva uyu wava kupawo vana vanoberekwa pakati pezvizvarwa zveBotswana nezvizvarwa zvedzimwe nyika kuti vana ava vave zvizvarwa zveBotswana pasina kutanga vamanikidzwa kurasa huzvarwa hwa amai kana baba. Izvi zvanga zvisingaitike nyore pasati pava nemutemo mutsva uyu.

Vana vanga vachiberekwa pakati pezvizvarwa zvemuBotswana nezvizvarwa zvekune dzimwe nyika, vanga vasingawane nyore kodzero dzekuva zvizvarwa zveBotswana zvizere.

Vana ava pavanga vachisvika makore makumi maviri nerimwe, vanga vachimanikidzwa kutanga varasa zviri pamutemo huzvarwa hungave hwa amai kana hwababa vanobva kune dzimwe nyika.

Murwiri wekodzero dzevanhu uye vari mukuru wezvirongwa musangano reZimbabwe Network for Social Justice, VaTendai Rueben Mbofana, vaudza Studio7 kuti chiitiko ichi chakanakira zvizvarwa zveZimbabwe zvakaroora kana kuroorwa nezvizvarwa zvemuBotswana sezvo vana vazvo vanga vasingapihwe nyore magwaro ekuva zvizvarwa zveBotswana kunyange vana ava vakaberekerwa muBotswana.

Muzvinafundo Ricky Mukonza, avo vanodzidzisa paTshwane University of Technology muPretoria, South Africa, vanoti zvaitwa neBotswana zvakanaka zvikuru uye zvinoita kuti nyika iyi isimukire.

Vati, “Chekutanga inotendera kuti vanhu ivavo vanenge vakwezva vagone kugadzikana munyika vachiwunzawo mari dzavo uye zvinoitawo kuti vamwe vanenge vaine zvavanogona kana kuti maspecialized skills vagadzikana munyika nekuti vanenge vaine magwaro akakwana,”

Botswana inoti yakatora danho iri sezvo iri nhengo yeUNESCO, sangano rinokurudzira kuti vanhu vose pasi rose vave zvizvarwa zvenyika dzavo, izvo zvanga zvisinaitike nyore pakati pevana vanoberekwa nezvizvarwa zvemuBotswana nezvizvarwa zvekunze kwenyika iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Shingirai Madondo